Sangano revarairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe rinoti nhengo dzaro pamwe nevamwe varairidzi vekumaruwa vari kuungana Mugovera mudhorobha reGwanda mudunhu reMatabeleland South vachi cherechedza zuva revarairidzi pasi rose reWorld Teachers’ Day.
Izvi zvinotevera kusabatana nemamwe masanganano evarairidzi kwakaitwa nesangano iri svondo rapera pamhemberero dzezuva iri dzaitungamirwa nehurumende.
Munyori mukuru wesangano iri VaRobson Chere vanoti vakatora danho rekusapinda mumhemberero dzehurumende idzi senzira yekuratidza kunyunyuta kwavo nemabatirwo ari kuitwa varairidzi nehurumende, zvikuru vekumaruwa.
VaChere vanoti vane zvirnogwa zvakawanda zvekucherechedza zuva iri zvinosanganisira kunosiya gwaro renyunyuto kumahofisi edzidzo emudunhu iri.
Zuva reWorld Teachers Day rakacherechedzwa pasi rose musi wa 5 Gumiguru pasi pedingindira rinoti “Valuing Teachers, Improving their Status”, iro rinokoshesa varairidzi pamwe nekuwandudza zvimiro zvavo.