Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBotswana VaKhama Vokurudzira VaMugabe Kuenda paMudyandigere


Mutungamiri weBotswana VaSeretse Khama Ian Khama
Mutungamiri weBotswana VaSeretse Khama Ian Khama

Mutungamiri wenyika yeBotswana, VaSeretse Khama Ian Khama vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanirwa kusiya chigaro nechimbichimbi vobvumidza hutungamiri hutsva kuti hugadzirise nyika.

VaKhama vanoti nyika iri kudzoserwa shure nematambudziko mune zveupfumi nezvematongerwo enyika, izvo zvavanoti zvave kuremedzawo nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzose.

Vachitaura nesangano renhau reReuters, VaKhama vanoti VaMugabe vanofanirwa kutambira chokwadi chemamiriro akaita zvinhu munyika voenda pamudyandigere, danho ravanoti VaMugabe vaifanirwa kunge vakatora kare kare.

VaKhama vanoti muZimbabwe mune vanhu vakawanda kwazvo vane hunyanzvi hwekutungamira nyika vanokwanisa kutora matomu kubva kunaVaMugabe.

Vanoti nekukwegura kwavaita uye nemamiriro aita zvinhu munyika, VaMugabe havachakwanisa kufambisa zvakanaka mabasa ekutungamira nyika.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika Doctor Pedzisai Ruhanya, vanove zvakare mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute vanoti vanowirirana nemashoko aVaKhama aya, sezvo ari mashoko ane hudzamu uye anovaka.

"Ukaona munhu anokuudza chokwadi chakakura kudaro chausingakwanisi kuudzwa nevanhu vese vakawanda, munhu iyeyo anotokuda.Zvinoda munhu ane rudo kuti akwanise kutaura sezvaitwa naVaKhama izvi," Doctor Ruhanya vanodaro.

Vanoti havaoni VaMugabe pamwe nevamwe vavo muhurumende vachitambira kurudziro yaVaKhama iyi.

"Vanototukirira chaizvo kuti atumwa nevarungu, eeh, anotaura zvisizvo," Doctor Ruhanya vanodaro.

Hurukuro naDoctor Pedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG