Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZimbabwe People First Inopisirwa Imba kuMarondera West


Mutungamiri weZimbabwe People First Amai Joice Mujuru

Imwe mhuri kuMarondera West mudunhu reMashonaland East yakarasikirwa nemidziyo inokosha mari inodarika chiuru chemadhora mushure mekupisirwa imba yekubukira nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF pakati peusiku hwemusi weChishanu.

VaTaungana Makirima, vanogara mubhuku raFuramera kwaChihota, vanoti vanofungidzira kuti vakapisa musha wavo inhengo dzevechidiki veZanu PF pamwe nevakarwa hondo yerusununguko nekuti vakambenge vayambirwa nevanhu ava kuti vasiyane nekutsigira bato reZimbabwe People First, rinotungamirwa naAmai Joice Mujuru.

VaMakirima, avo vane makore makumi mana ekuberekwa uye nemudzimai nevana vana, vanoti vakarasikirwa nemidziyo inosanganisira chibage chekudya, matsaga matanhatu efotereza, makirogiramu makumi maviri nemashanu embeu, magumbeze, mbatya, midziyo yekubikira, makabati nezvimwe.

Vanoti mumba umu ndimo munosimborara vana vavo, asi rombo rakaitika nderekuti musi uyu vana vakanorara mune imwe imba.

VaMakirima vanoti vakamhan’ara nyaya iyi kumapurisa epaLandas nezuro, uye mapurisa avashanyira kuti aone zvakaparadzwa muchiitiko ichi.

Vanotiwo bato ravo reZimbabwe People First riri kuvabatsira nechikafu nemari yekuti vatenge zvekushandisa.

Studio 7 yakundikana kubata mapurisa kanawo veZanu PF kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCenter for Community Development in Zimbabwe VaGeorge Makoni, avo vakashanyirawo musha waVaMakirima vanoti chiitiko ichi nezvimwe zviri kuitika mune mawe matunhu emunyika zvinoratidza kuti mhirizhonga yatodzoka.

Hurukuro naTaungana Makirimani
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG