Accessibility links

Breaking News

Unicef Inoti Huwandu hweVana vari Kuda Rubatsiro Hwakwira


Unicef inoti vana vakawanda vave kusiya chikoro nekuda kwenzara pamwe nekushaikwa kwemari
Unicef inoti vana vakawanda vave kusiya chikoro nekuda kwenzara pamwe nekushaikwa kwemari

Sangano reUnicef rinoti nzara yakonzerwa nekushanduka kwekunze kana kuti El Nino yakwidza huwandu hwevana vanoda rubatsiro gore rino zvichienzaniswa negore rapera ra 2015.

Mugwaro raraburitsa, sangano iri rinoti rubatsiro rwuri kutarisirwa nevana ava rwunosanganisira hutano, mari yechikoro, pamwe nekugadzikana kwepfungwa.

Unicef inoti gore rino vana zviuru makumi maviri zvaida rubatsiro pakati pemwedzi yaNdira naChikunguru, zvichienzaniswa nevana zviuru gumi nechimwe mugore rose ra2015.

Sangano iri rinoti kusvika pari zvino rakwanisa kuunganidza mari inoita $3.1 million yemari inoita $21.8 million yariri kutsvagira Zimbabwe.

Mukuru weZimRights VaOkay Machisa vanoti vanotenda zvikuru neongororo yakatorwa neUnicef iri, asi vanoti havafungi kuti ndihwo huwandu chaihwo hwevana vanoda rubatsiro nekuti vana vari muzvikoro nevasiri kuenda kuchikoro vakawandisa kwazvo.

"Ndinoetnda hangu kuti vakaita tsvakurudzo dzakaita saidzodzi, asi ndinoshuvira kuti vaite tsvakurudzo dzakati wandeyi kudarika ipapo nekuti tikatarisa muzvikoro chete, iko zvino kune ma grade Zero, kune vasiri kutokwanisa kuenda kuzvikoro," VaMachisa vanodaro.

VaMachisa vanoti zvakakosha zvikuru kuti hurumende itorewo matanho ekuendesa mberi zvakaburitswa muongororo yeUnicef iyi kuburikidza nekutsvagirawo rubatsiro vamwe vana vasiri mugwaro raburitswa iri.

Vana vechikoro vakawanda vanonzi vari kusiya chikoro kana kuti magwaro avo edzidzo ari kubatwa nezvikoro senzira yekuti vabhadhare zvikwereti zvavanenge vainazvo

Ongororo yesangano iri inoti zvakare mamwe masangano anoshanda neUnicef ari kuwana humbowo hwekuti kunze kwekusiya chikoro, vanasikana vakawanda vake kumanikidzwa kupinda muchipfambi vakomana vachichera goridhe zviri kunze kwemutemo senzira yekutsvaga nayo mari.

Hurukuro naVaOkay Machisa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG