Accessibility links

Breaking News

Tajamuka/Sesijikile Yorwira Kuti ZEC Inyoresere Vanoda kuVhota muMatunhu Avagere


Mutauriri weTajamuka/Sesijikile, VaPromise Mkwananzi

Nhengo dzesangano re#Tajamuka/Sesijikile dzaratidzira paMachipisa mumusha weveruzhinji weHighfield muHarare, dzichida kuti boka rinotungamira nyaya dzesarudzo reZEC rirerutsire vanhu vanoda kunyoresa kuti vagozokwanisa kuvhota nekuvabvumidza kunyoresa vari mumatunhu avo.

Mutauriri weTajamuka/Sesijikile VaPromise Mkwananzi vanoti vatora danho iri nekuona kuomeserwa kuri kuitwa vanhu kuti vanofanirwa kutokwira mabhazi kupinda muguta kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.

"Zimbabwe Election Commission inonzi pabumbiro idzva remutemo ndoyoga yave kufanirwa ku register vanhu, saka kumashure apo vanhu vai registwa ne registrar-general's office, registrar-general's office yacho yakabva yamira ku register vanhu.

"Kutaura kudai vanhu vari kunzi kana vachida ku register vanofanirwa kubva kuHighfield vopinda mu town, ono register kuma ZEC offices saka taona kuti izvi zvinotoitwa nemunhu asiri kuda kuti vanhu va registe," VaMkwananzi vanodaro.

VaMkwananzi vanoti vechidiki vanodarika zana vanga vakaungana pamahofisi ekwamudzviti paMachipisa vachida kuti vanyorese kuvhota, asi vanyimwa mukana uyu.

Vanoti hurumende inofanirwa kuisa vashandi veZEC pose pane hofisi yekwamudzviti kuti zviite nyore kuvanhu vanoda kunyoresa kuvhota.

Vanotiwo vapa ZEC svondo rimwe chete rekuti igadzirise zvinhu, kukundikana kwayo vachatora mamwe matanho.

Hurukuro naVaPromise Mkwananzi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG