Accessibility links

Breaking News

Dambudziko reMishonga Inodiwa paKuvhiya Varwere Robata Zvipatara zveHurumende


Zvimwezvezvipatara zvamanikidzwa kuvhara ndezve United Bulawayo Hospitals neHarare Central Hospital
Zvimwezvezvipatara zvamanikidzwa kuvhara ndezve United Bulawayo Hospitals neHarare Central Hospital

Kushaikwa kwemishonga inoshandiswa pakuvhiya varwere muzvipatara zvehurumende kwave kumanikidza kuvharwa kwezvimwe zvipatara, danho rinonzi rave kusiya varwere vari pamhene.

Chimwe chipatara chave kuvharwa ndecheUnited Bulawayo Hospitals kana kuti UBH.

Svondo rapera chipatara ichi chakazivisa kuti chave kumbomira kuvhiya varwere nekuda kwekushaikwa kwemushonga werudzi rwe pethidine, uyo unopodza marwadzo pamunhu anenge achivhiyiwa.

Gwaro rakaburitswa naDoctor N.B.T. Dzvanga, vanove mukumuru wezchipatara cheUBH richiendeswa kuvakuru vemapoka akasiyanasiyana ezvipatara izvi rinoti kubva musi wa 14 Gumiguru zchipatara ichi chinenge chambomira kuvhiya varwere.

Gwaro iri rinoti iri harisi dambudziko repa United Bulawayo Hospitals chete, asi kuti idambudziko rabata nyika yose.

Mwedzi wapera chipatara cheHarare Central Hospital chakazivisawo kuti chakanga chambomira kutambira varwere vanenge vachida kuvhiyiwa nekuda kwekushaya mishonga inodiwa pakuita basa iri.

Mumwe chiremba anoshandira muchipatara chehurumende, Dr Martin Mlilo vaudza Studio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muzvipatara sezvo isiri mishonga yekushandisa pakuvhiya varwere chete iri kushaikwa.

Dr Mlilo vanoti kana mimwe mishonga yekupa varwere iri kushaikwawo muzvipatara zvehurumende, izvo zviri kusiya varwere vakawanda vachishaya rubatsiro.

Hurumende inonzi iri kutatarika kuwana mari yekuti itenge mishonga inodiwa muzvipatara iyi nekuda kwekuti mari iri kupinda muhomwe yayo ishoma zvakanyanya.

Asi vamwe vanoongorora nyaya dzehutano vanoti hurumende haisi kukoshesa nyaya dzehutano nekuti iri kushandisa mari kune zvimwe zvirongwa zvisina kukosha kana zvichienzaniswa nehutano.

Hurukuro naDoctor. Martin Mlilo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG