Accessibility links

Breaking News

Makanzura Mashanu eMDC T kuBulawayo Anomiswa Basa naVaKasukuwere

VaSaviour Kasukuwere
VaSaviour Kasukuwere

Gurukota rinoona nezvematunhu VaSavior Kasukuwere vakambomisa basa makanzura mashanu eguta reBulawayo kusanganisira mutevedzeri wameya uye vari kanzura weWard 5 VaGift Banda.

Makanzura aya ari kupomerwa mhosva yekuita zvehuwori. Vamwe vamiswa basa pamwechete naVaBanda ndaVaCharles Moyo vanove kanzura weWard 9, VaMazama Dube veWard 25, VaJames Sithole weWard 7 pamwe naVaReuben Matengu vanove kanzura veWard 21.

VaKasukuwere vanonzi vazivisa kuti vatora danho iri mushure mekunge vaona kuti kanzuru yeguta reBulawayo haisi kutevedzera mutemo mukufambiswa kwemabasa.

Vanonzi vatiwo ibasa ravo rekuona kuti zvinhu zvagadziriswa mukanzuru iyi. Vatiwo zvinokanganisa kuona kuti mukati memakanzura makumi maviri nevapfumbamwe vashanu chete ndivo vasiri kuita zvehuwori.

Asi bato reMDC T, rinove rine nhengo dzamiswa basa idzi, rinoti riri kuongorora nyaya iyi riine chinangwa chekutorera VaKasukuwere matanho akakodzera nezvavaita izvi.

Mutauriri webato iri VaObert Gutu vanoti bato ravo rine humbowo hwekuti VaKasukuwere vari kuda kuparadza makanzuru ose ari pasi pebato reMDC T, vachiti vakazivisa izvi pavakatora bazi rezvekutongwa kwematunhu.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Studio 7 yakundikana kubata VaKasukuwere kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi sezvo vange vasingadaire nharembozha yavo.

This item is part of
XS
SM
MD
LG