Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yave neHutungamiri Hutsva


ZCTU

Sangano revashandi reZCTUmukupera kwesvondo rakadoma hutungamiri hutsva, hwakatsiva hwaivepo hwaitungamirwa naVaGeorge Nkiwane.

Vakadomwa kutora chigaro chemutungamiri ndiVaPeter Mutasa, vaine vatevedzeri vavo vatatu vanoti Amai Florence Taruvinga, VaJohn Chirenda naVaJuniel Manyere.

VaJaphet Moyo, vanove munyori mukuru wesangano iri vakaramba vari pachigaro chavo, asi vave nevatevedzeri vatsva vanoti VaSylvester Mutindindi naVaThomas Masvingwe.

Mubati wehomwe akadomwa ndiVaLovemore Mangwarati kuchitiwo dzimwe nhengo dzekomiti kana kuti maTrustee vari VaReason Ngwenya, VaRwatipedza Chigwagwa naVaNyasha Benza.

VaMoyo vaudza Studio 7 kuti temu yechikwata chaVaNkiwane yakanga yakwana izvo zvakaita kuti sangano ravo ritevere bumbiro remitemo richisarudza humwe hutungamiri.

Vanoti chikwata chitsva ichi chichaendesa mberi basa ranga richiitwa nehutungamiri hwakasiya basa.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG