Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa, Vanorwira Kodzero, Vokurudzira Kuti UN Ibvise veZimbabwe Vari kuChengetedza Runyararo


Zimbabwe ine mauto nemapurisa vari kushanda nesangano reUnited Nations mukuchengetedza runyararo pasi rose
Zimbabwe ine mauto nemapurisa vari kushanda nesangano reUnited Nations mukuchengetedza runyararo pasi rose

Mapato ezvematongerwo enyika anopikisa pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu akabata mukunyora gwaro renyunyuto kusangano reunited Nations General Assembly neSecurity Council, vachi kurudzira kuti mauto pamwe nepurisa eZimbabwe ari mumabasa ekuchengetedza runyararo pasi rose pasi peUN vabviswe.

MDC T, Zimbabwe People First, People’s Democratic Party nemamwe mapato pamwe nemasangano akazvimirira anosanganisira reNational Vendors Union, #ThisFlag neCrisis in Zimbabwe Coalition, vanoti vatora danho iri nekuona kuti hurumende yaVaRobert Mugabe iri kuramba ichi tyora kodzero dzevanhu munyika, chinove chinhu chinopikisana nemitemo yekodzero dzevanhu pasi rose.

Mutauriri weMDC T VaObert Gutu vanoti sebato rinorwira kuti munyika muve nerunyararo, vakaona zvisingaiti kuti hurumende iri kutyora kodzero dzevanhu munyika asi kunze uko ichinonyepera kunge inoremekedza kodzero dzevanhu kana yoita mabasa ekuchengetedza runyararo pasi peUN.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mumiriri weMakonde muparamende uye vari nhengo yeZanu PF, VaKindness Paradza vanoti zvakaitwa nemapato pamwe nemasangano aya hazvina nematuro ose, sezvo UN ichivimba neZimbabwe kuburikidza nekugona kwayo basa rekuchengetedza runyararo.

Hurukuro naVaKindness Paradza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG