Bato reMDC T rinoti riri kubatana nemamwe mapato pamwe nemasangano ari kuramba kutambira mari itsva yerudzi rwe bond note, iyo iri kutarisirwa kutanga kutenderera munyika pakati pemwedzi unouya.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti vatora danho iri mushure mekunzwa pamwe nekuzeya mashoko agavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Dr. John Mangudya, ekuti nyika haina mari yakakwana yekutsigira nayo ma bond note aya.
VaGutu vanoti nyanzvi dzezveupfumi dzinoti nyika inofanirwa kunge iine mari yekunze inokwana gore rose mudura mayo inofanirwa inotsigira ma bond note aya kuti akwanise kushanda munyika, asi vakakatyamadzwa nemashoko aDr. Mangudya ekuti nyika inongove nemari yekunze inongokwana mwedzi mumwechete.
"Ticharamba tichipinda mumigwagwa tichiramba kutambira ma bond notes aya, kana kuenda kumatare sezviri kuitwa nevamwe vedu vemamwe mapato. Tichavatsigira 100 percent kusvika hurumende yeZanu PF yaona kuti hatisi kuada," VaGutu vanodaro.
Ukuwo, sangano reTajamuka/Sesijikile rinotiwo ratanga kuunganidza masiginecha evanhu vari kuramba kushandiswa kwema bond note uku.
Sangano iri rinoti kana raunganidza masiginecha aya richaenda nawo kubhanga guru renyika kunoasvitsa kuna gavhuna.