Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika svondo rapera zvakakwira kudare zvichida kuti rirase zvikamu zvemutemo une chekuita nesarudzo unorambidza kuti vari kunze kwenyika vavhote vari munyika dzavagere.
Rimwe sangano rinomirira vashandi pasi rose, reInternational Trade Union Confederation, (ITUC) rinoti rinoshoropodza zvikuru danho riri kutorwa nemakanzuru emunyika rekubvisa vanotengesera mumigwagwa, zvichitevera kurudziro yemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.
Sangano revagari vemuGweru, reGweru Residents Forum rinoti harisi kutambira hurongwa hwebajeti regore rinouya hwakashambadzwa nekanzuru yavo hwemari inoita $38 million, vachiti huri kutungamidza mberi zvido zvevakuru vekanzuru, kwete zvevagari.
Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kuyambira makanzuru kuti kune nzira dziri pamutemo dzinokwanisa kuteverwavo nevagari vachipikisa zviri kunze kwemutemo zviri kuitwa nemakanzuru zvekushandisa zvikonzi mukutevera zvikwereti zvawo.
Bato rinopikisa reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti nhengo dzaro mumatunhu akawanda emunyika dziri kumanikidzwa nevakuru vebato reZanu PF kuti dzipe nhamba dzemarusiti adzinenge dzapiwa pakunyoresa kuvhota muchirongwa chiri kuitwa munyika yose.
Dambudziko guru rinonzi riri kusangana nevanhu ava ndere kuti vanofanirwa kunge vachiita izvi padandemutande, uye kushaya tsanangudzo pane zvavanotarisirwa kuita.
Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanonzi vaudza humiriri hwesangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, kuti nyika haina mari izvo zviri kuti vakundikane kutora mihoro yavo yose kumabhanga.
Bato rinopikisa reTransform Zimbabwe rinoti hupfumi hwenyika hwaparara zvekuti hapachina tarisiro yekuti hungamuka zvakare kana hurumende yeZanu PF yakaramba iri panyanga.
Mapurisa ekuKaroi, mudunhu reMashonaland West, arambidza MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuita musangano nevatsigiri vayo munhandare yeChikangwe.
Musangano wechitanhatu wemazuva maviri wezvicherwa, weZimbabwe Alternative Mining Indaba watanga muBulawayo uchibatanidza vehurumende, vemigodhi, vemasangano akazvimirira pamwe nevemumatunhu ane zvicherwa.
Mapurisa ekwaMutare apomera mutori wenhau webepanhau reNewsDay Kenneth Nyangani mhosva yekuita zvemusarinya kana kuti crimina nuisance, sezviri pasi pechikamu 46 (2) (v) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.
Sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe rinoti zvinhu zvinenge zvadzokera pazvaive zviri masvondo apera zvichitevera kushaikwa kwezvimwe zvinodiwa nevanhu zuva nezuva, uye kukwira mitengo kwezvimwe.
Mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti vari kufara zvikuru kuti hurongwa hwavo hwekuratidzira vachiburitsa homwe dzezvipfeko zvavo kunze hwavaita neChishanu, hwabudirira chose.
Mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti vari kufara zvikuru nekuti mamwe masangano akazvimirira pamwe neveruzhinji vari kutsigira hurongwa hwavo hwekuratidzira hwavachaita nemusi weChishanu.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinoti zvatotanga kutsvaga nzira dzekutumira nadzo zvekudya zvinonzi zvave kunetsa kuwana munyika nekuda kwekushaikwa kana kukwira kwemitengo.
Seneta Marava vanoti neMuvhuro ivo navadzimai vavo vakaenda pamahofisi eZEC ari paZaka kunonyoresa kuvhota asi vakashamisika vachiudzwa kuti nzvimbo yavo yekuvhotera yeNhema Primary School yakanga isiri kuwanikwa mumichina yeZEC.
Vana chiremba vari musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association vari kurongawo kuendesawo gwaro renyunyuto kumakurukota ezvepfumi, hutano, pamwe nekubhodhi rinoona nezvehutano reHealth Services Board.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo rakatora nzira yekutsvaga rutsigiro nayo iyi sezvo rakaona kuti kazhinji parinoita misangano vatsigiri varo vanosara vachishungurudzwa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeve Zanu PF.
Rodhai zvimwe