Accessibility links

Misoro yeNhau, Chishanu Gumiguru 06, 2017

  • Jonga Kandemiiri

Misoro yeNhau

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoramba vakamira nemashoko avo ekuti vakaisirwa muchetura semaonero akaita chiremba wavo, izvo zvakonzera kuti mubato iri muve nemakakatanwa anotyisa. Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vari kutiwo vari kupumhwa huroyi hwekuda kuuraya VaMnangagwa, avo vavanoti mushandi wemurume wavo, izvo zviri kuonekwa nevakawanda sekunge Amai Mugabe vave kutora Zimbabwe sekambani yavo

Mapurisa anorambidza bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuita musangano waro kuMashonaland West wekudzidzisa vatsigiri vebato iri chirongwa chekunyoresa kuvhota, panguva iyo mapurisa anosiya musangano waVaMugabe nevechidiki vebato ravo, uchienderera mberi mangwana kumuzinda webato iri muHarare.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvine vabereki vakaberekerwa kunze kwenyika zvoshushikana nemashoko egurukota rezvemukati menyika, VaIgnatius Chombo, avo vakati vanhu ava havabvumirwe kuvhota munyika kana vasina kutora mhiko yekuti havasisineyi nekunyika dzakaberekerwa vabereki vavo, izvo nyanzvi dziri kuti zvinotyora bumbiro remitemo yenyika.

Vari pamudyandigere vochema chema nehurongwa hutsva hwavari kushandisa pakutora mari dzavo dzepenjeni vachiti makadhi avari kushandisa kutora mari kumabhanga ari kubhadhariswa mutero, izvo zviri kuita kuti vasare vaine mari shoma.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa kunetsana kuri kuitika muZanu PF uko kwasiya bato iri risina kumira zvakanaka.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG