Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, China, Gumiguru 05, 2017


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
Misoro yeNhau, China Gumiguru 05, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Varairidzi munyika vanobatana nepasi rose mukucherechedza zuva reWorld Teachers' Day vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzehupfumi izvo zviri kupa kuti vatadze kuriritira mhuri dzavo.

Vakawanda vanoti havasi kufara nezviri kuitika muZanu PF iyo iri kuisa pamusoro nyaya yekurwira achatsiva mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, izvo zviri kuita kuti pave nekusawirirana muhurumende pakati pemakurukota, uye kuwedzerawo kuvhiringwa kwehupfumi hwenyika.

Studio7 inoburitsa zvamunofanirwa kuita kuitira kuti muwane mavhiza ekunogara pamwe nekushanda kuAmerica pasi pechirongwa chehurumende iyi, che Diversity Visa.

Vagari vekuMasvingo vochemachema vachiti dunhu ravo harisi kusimudzirwa nehurumende kuitira kuti vashanyi vanobva kunze kwenyika vashanyire nzvimbo dzakaita seGonarezhou National Park, Great Zimbabwe Monuments nedzimwe, vachiti mugwagwa unoenda kuMasvingo waparara.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nenyika munyaya dzemari, uye zvinoshuvirwa nemadzimai kuti zviitwe.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 Kilohertz paShortwave mazuva ose…

Musakanganwa kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG