Bato rinopikisa reTransform Zimbabwe rinoti hupfumi hwenyika hwaparara zvekuti hapachina tarisiro yekuti hungamuka zvakare kana hurumende yeZanu PF yakaramba iri panyanga.
Mutungamiri webato iri, VaJacob Ngarivhume, vanoti nekuda kwekuparara kwehupfumi uku, neChipiri vari kuita musangano nevatori venhau muHarare kuti vazivise pamire bato ravo panyaya iyi, uye zvariri kuronga kuita senzira yekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
VaNgarivhume vanoti bato reZanu PF riri kupedza nguva richirwisana richisiya nyika isina mutariri, izvo zvoita kuti vana veZimbabwe vadye nhoko dzezvironda.
VaNgarivhume vanoti mucherechedzo wekuti Zanu PF haichina hany'a nevana veZimbabwe kuwedzerwa kwemakurukota kwakaitwa naVaRobert Mugabe mumazuva mashoma adarika.
Vanoti dai VaMugabe vaive nechido chekugadzirisa nyika, vangadai vakatora mukana wenguva yavakavandudza makurukota avo kutoderedza huwandu hwemakurukota avo.
Facebook Forum