Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Voita Matambudziko muChirongwa cheZimbabwe Exemption Permit


MuSouth Africa mune zvizvarwa zveZimbabwe zvinofungidzirwa kuti zvinodarika mamiriyoni matatu.
MuSouth Africa mune zvizvarwa zveZimbabwe zvinofungidzirwa kuti zvinodarika mamiriyoni matatu.

Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa zviri kuedza kunyoresa kuti zvimutsiridze magwaro anozvibvumidza kushanda pamwe nekugara munyika iyi zviri pamutemo pasi pechirongwa cheZimbabwe Exemption Permit, zvinonzi zviri kusangana nematambudziko akasiyanasiya, ayo ari kuita kuti zvikundikane kunyoresa mukati menguva yakatarwa.

Dambudziko guru rinonzi riri kusangana nevanhu ava ndere kuti vanofanirwa kunge vachiita izvi padandemutande, uye kushaya tsanangudzo pane zvavanotarisirwa kuita.

Chirongwa ichi chiri kupa mukana kuvanhu vanga vaine magwaro eZimbabwe Special Dispensation Permit, ayo ari kupera muna Zvita wegore rino, kuti vakwanise kuwedzera makore ekugara munyika iyi nemamwe makore mana.

Vari kufanirwa kunyorera magwaro aya vanonzi vanofanirwa kunge vaita izvi musi wa 30 Mbudzi gore rino asati asvika, apo chiri kuvharwa.

Vanoita mabasa etsvakurudzo musangano rinobatsira vana veZimbabwe reZimbabwe Exiles Forum, VaAnadi Arnold Sululu, vanoti vazhinji vari kuita dambudziko havana makombiyuta kudzimba, uye kana vakada kunobatsirwa kuzvitoro zvema indaneti vari kubhadhariswa mari dzakawanda.

VaSululu vanoti rimwewo dambudziko riri kutarisanawo nevana veZimbabwe risineyi nemagwaro eZimbabwean Exemption Permit nderekusungwa vachidzoserwa kumusha pavanenge vaenda kumahofisi ebazi rezvemukati menyika kunotarisa pasvika zvikumbiro zvavo zvekutsvaga hupoteri munyika iyi.

Vanoti sesangano, vachaedzawo kuronga musangano negurukota rezvemukati menyika idzva rakagadzwa svondo rapera, Amai Ayanda Dlodlo, kuti vazeye matambudziko ari kutarisana nezvizvarwa zveZimbabwe.

"Dambudziko riripo nderekuti VaZuma vari kushandura makurukota ezvekunze kwenyika mushure memwedzi mitanhatu yogaoga, zvinove zvinotipa dambudziko rekuti titange patsva kuronga zvinhu," VaSululu vanotsanangudza

Hurukuro naVaArnold Sululu
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG