Accessibility links

Gavhuna veRBZ Vanoudza Varairidzi Kuti Nyika Haina Mari

  • Jonga Kandemiiri

Gavhuna veRBZ Doctor John Mangudya

Gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanonzi vaudza humiriri hwesangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, kuti nyika haina mari izvo zviri kuita kuti vakundikane kutora mihoro yavo yose kumabhanga.

Izvi zvinotevera musangano waitwa naDoctor Mangudya nehutungamiri hwesangano iri muHarare.

Doctor Mangudya ndivo vanonzi vakashevedzera musangano uyu zvichitevera kuratidzira kuri kuitwa nenhengo dzesangano iri, idzo dziri kuratidzira dzichiburitsa homwe kunze senzira yekunyunyuta nekushaikwa kwemari kumabhanga.

Varairidzi vari kuti vanoda kuti vakwanise kutora mihoro yavo yose kumabhanga zvisina dambudziko, sekuvimbiswa kwavakamboitwa naVaMangudya mukutanga kwegore rino.

Asi vanoti pari zvino vari kupedza mazuva akawanda vari mumitsetse kumabhanga vachikundikana kuwana mari dzavo.

Vanoti izvi zviri kuvakanganisawo zvakare mararamiro avo, sezvo mhuri dzave kugara dzakapesana nenyaya yekutsvaga mari kumabhanga.

Munyori mukuru weAmalgamated Rural Teachers Union, VaRobson Chere, vanoti kunyange hazvo vaudzwa kuti nyika haina mari, vafadzwa nekuti Doctor Mangudya vabvuma kuti zvinhu zvakaoma munyika.

VaChere vanoti vachasangana sehutungamoiri nemusi weChitatu kuti vazeye zvabuda mumusangano uyu, pashure vozosangana nenhengo dzavo kuti vavapirewo shoko iri.

Vanoti mushure mezvose izvi, ndipo pavanozobuda nechisungo, vachiti pose apa vanenge vachienderera mberi nekuratidzira kwavo kwekuburitsa homwe panze.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG