Accessibility links

Mamwe Masangano Otsigira Kuratidzira kweSangano reARTUZ

  • Jonga Kandemiiri

Nhengo dzeARTUZ dzichiratidzira gore rapera

Mutungamiri wesangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti vari kufara zvikuru nekuti mamwe masangano akazvimirira pamwe neveruzhinji vari kutsigira hurongwa hwavo hwekuratidzira hwavachaita nemusi weChishanu.

VaMasaraure vanoti nhengo dzavo dzichange dzichiratidzira dziri mumatunhu akasiyanasiyana apo dzichaburitsa homwe dzembatya dzadzo panze senzira yekuratidza hurumende kuti vanhu vari kushupika nekushaikwa kwemari munyika uye mihoro iri pasi yavari kupiwa.

Vanoti vacharatidzira ava vachange vachitora mifananidzo nemavhidhiyo zvavachazotumira kuhurumende kuti ione kuti vanhu vari kushupika zvakadii.

“Vachange vachiratidzira ava vachatora mifananidzo nemavhidhiyo zvavachakandawo zvakare padandemutande redu reFacebook pamwe nekutumira pa whatsapp,” vanodaro.

VaMasaraure vanoti sangano ravo rawana rutsigiro kubva kumasangano anoti Crisis in Zimbabwe Coalition, Zimbabwe Yadzoka, Kubatana, Occupy Africa Unity Square, uye #Tajamuka/Sesijikile nemamwe.

Vanachiremba vanoshandira muzvipatara zvehurumende vanonzi vari kurongwawo kuramwa mabasa vachida kuti hurumende igadzirise nyaya dzemihoro yavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG