Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti riri kuparura neMugovera chirongwa chekushanyira vanhu mudzimba dzavo mumwe nemumwe, senzira yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.
Bato iri rinoti richashandisa mukana uyu kukurudzira vanhu kuti vanyorese kuvhota.
Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti bato ravo rakatora nzira yekutsvaga rutsigiro nayo iyi sezvo rakaona kuti kazhinji parinoita misangano vatsigiri varo vanosara vachishungurudzwa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeve Zanu PF.
Vanoti Chirongwa chavo ichi, icho chinonzi “Chakachaya”, chichaita kuti vasangane nemadzishe nemasabhuku, vemakereke, pamwe nevanhuwo zvavo vari munzvimbo dzavanogara pasina dambudziko rekutyira hupenyu hwavo.
Bato reZanu PF masvondo maviri adarika rakaumbawo makomiti achange achitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo.
Facebook Forum