Accessibility links

Zvinhu Zvogadzikana Munyika paNyaya yeMitengo Uye Kuwanikwa Kwazvo

  • Jonga Kandemiiri

Mafuta ekubikisa ndezvimwe zvezvinhu zvakatengwamuhuwandu nevagari vemuHarare.

Sangano ravana chipangamazano munyaya dzehupfumi, reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, rinoti zvinhu zvinenge zvadzokera pazvaive zviri masvondo apera zvichitevera kushaikwa kwezvimwe zvinodiwa nevanhu zuva nezuva, uye kukwira mitengo kwezvimwe.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano iri, Doctor Prosper Chitambara, vanoti ongororo yakaitwa nesangano ravo inoratidza kuti zvinhu zvose zvakaita semafuta ekubikisa nemafuta edzimotokari zvakanga zvave kushaikwa pamisika zvave kuwanikwa, kunyange hazvo vamwe vatengesi vasati vadzikisa mitengo.

Mitengo yezvinhu izvi yakanga yakwidzwa zvichitevera kushaikwa kwazvo.

Semuenzaniso, mafuta edzimotokari akanga akwira nemasendi matatu parita kubva padhora nemasendi makumi matatu nemana kuenda padhora nemasendi makumi matatu nemanomwe.

Mafuta ekubikisa anonzi akanga akwirawo zvakanyanya mune zvitoro zvizhinji.

Semuenzaniso, marita maviri emafuta akanga otengeswa nemari iri pakati pemadhora mashanu nemadhora matanhatu, kubva pamadhora matatu nemasendi makumi mashanu.

Doctor Chitambara vanoti havaoni mitemo iri kudzikwa nehurumende yekutara mitengo yezvinhu ichibatsira.

Asi vanoti dambudziko remari richiri kuenderera mberi kunyange hazvo hurumende iri kuti yakadzika mutemo unosunga vanotengesa mari nevasiri kuisa mari kumabhanga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG