Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC Dzinoti Dziri Kutyisidzirwa neZanu PF Muchirongwa cheBVR?


MDC-T inoti nhengo dzayo dziri kumanikidzwa neveZanu PF kuti dzipe nhamba dzemarusiti adzinenge dzapiwa pakunyoresa kuvhota
MDC-T inoti nhengo dzayo dziri kumanikidzwa neveZanu PF kuti dzipe nhamba dzemarusiti adzinenge dzapiwa pakunyoresa kuvhota

Bato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti nhengo dzaro mumatunhu akawanda emunyika dziri kumanikidzwa nevakuru vebato reZanu PF kuti dzipe nhamba dzemarusiti adzinenge dzapihwa pakunyoresa kuvhota muchirongwa chiri kuitwa munyika yose.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti imwe nyaya yavari kutambira ndeyemasabhuku anonzi ari kuda kubhadharwa kuti anyorere nhengo dzavo tsamba dzinoratidza kuti vagari vemumabhuku aya idzo dzinodiwa kuti vakwanise kunyoresa kuvhota.

VaGutu vanoti bato ravo riri kuwana zvinyunyuto zvakadai kubva kumatunhu anosanganisira Gokwe-Sesame, Gokwe South, Mbire kuMashonaland Central, Maramba-Pfungwe kuMashonaland East, pamwe neNyanga North kuManicaland.

Vanoti vakatosvitsa nyunyuto yavo pamusoro penyaya iyi kuZimbabwe Electoral Commission.

"Takakwidza nyaya iyoyi kuZEC, saka veZEC zvaamumaoko avo kuti vachiona kuti vangaita sei. Isusu takavapira zvinyunyuto zvedu nezvichemo zvedu," VaGutu vanodaro, vachiwedzerawo kuti nhengo dzavo dziri kumhan'garawo nyaya idzi kumapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reZanu PF panyaya iyi.

Zvichakadaro, sachigaro veZEC, Amai Rita Makarau vaudza Studio7 kuti kusvika pari zvino vanhu vanyoresa kuvhota vave kusvika pamazana masere ezviuru munyika yose.

ZEC yakazivisa kuti inotarisira kuti panopera chirongwa ichi vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe vanenge vanyoresa kuvhota musarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Hurukuro naVaObert Gutu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG