Accessibility links

Breaking News

Maitiro eMapurisa Ane Rusarura Otsamwisa MDC-T


MDC supporters have stuck to their leader Morgan Tsvangirai over the years. (Photo: MDC Facebook Page)
MDC supporters have stuck to their leader Morgan Tsvangirai over the years. (Photo: MDC Facebook Page)
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mapurisa ekuKaroi, mudunhu reMashonaland West, arambidza MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai kuita musangano nevatsigiri vayo munhandare yeChikangwe.

Musangano uyu wanga uchifanirwa kuitwa neMugovera, asi mapurisa anozi apa zvikonzero zvinonzi hazvina kutsanangurwa.

Mutauriri weMDC-T, Vaobert Gutu, vanoti musangano uyu, uyo wanga uchitarisirwa kutaurwa nemumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, wanga wakanangana nekukurudzira nhengo dzebato ravo kuti dziende nehuwandu hwadzo kunonyoresa kuitira kuti dzigozokwanisa kuvhota musarudzo dzegore rinouya.

Izvi zvinoitika panguva iyo mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwawo zvakare kutaura pamusangano wevechidiki veZanu PF uri kuitirwa pamuzinda webato iri muHarare neMugovera.

VaGutu vanoti zviri kuitwa nemapurisa zvinorwadza sezvo nyika yatarisana nesarudzo, uye mapato ose ezvematongerwo enyika achitarisirwa kupinda mumativi mana enyika zvisina dambudziko kuti asangane nevatsigiri vawo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG