Seneta vedunhu reMasvingo uye vari vebato reMDC-T, VaMisheck Marava, vanoti vari kushushikana zvikuru kuti chikoro cheNhema Primary School hachisi kuwanikwa mumakombiyuta eZimbabwe Electoral Commission, ZEC, mukunyoresa kuri kuita vanhu kuvhota musarudzo dzegore rinouya.
Seneta Marava vanoti neMuvhuro ivo namudzimai wavo vakaenda pamahofisi eZEC ari paZaka kunonyoresa kuvhota asi vakashamisika vachiudzwa kuti nzvimbo yavo yekuvhotera yeNhema Primary School yakanga isiri kuwanikwa mumichina yeZEC.
Vanoti nekuda kwedambudziko iri vanhu vakawanda vari mumatunhu akasiyanasiyana vari kuedza kunyoresa kuti vagozovhotera pachikoro ichi musarudzo dzegore rinouya vachakundikana kuzadzisa kodzero yavo yekuvhota.
VaMarava vanoti vakabvunza veZEC nezvedambudziko iri asi vakaudzwa kuti zvinotora nguva kuti zvigadzirisike.
"Ndakavabvunza, ndakabvunza mukuru wacho uri kuHarare akati this problem cannot be solved overnight. But my worry is that mavhoti acharasika mangani because tinozviziva kuti blitz ichazodzika kuenda kuma centres mamwe, but hatina assuarance yekuti paNhema Primary School blitz iyoyo ichazouya, and munhu anoda ku register ari kwaari he will have been affected already," vanodaro Seneta Marava.
Studio 7 haina kunzwa divi reZEC panyaya iyi.
Asi vanhu vakawanda vari kunyunyutawo kuti nzvimbo dzavo dzekuvhotera hadzisi kuwanikwa mumichina.
Facebook Forum