Accessibility links

ARTUZ neZHDA Dzoronga Kusvitsa Nyunyuto Pamusoro peMihoro kuHurumende

  • Jonga Kandemiiri

Vanachiremba vachiratidzira

Sangano revarairidzi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe rinoti neChipiri riri kusvitsa gwaro renyunyuto kuboka rePublic Service Commission richizivisa kuti rinoda kuti nhengo dzaro dzipiwe mazuva mana ekunotora mari dzavo kumabhanga kubva nemusi weMuvhuro pachatambira varairidzi mihoro yavo.

Vanoona nezvekurongwa kwemabasa musangano iri, VaPride Mukono, vanoti vari kukurudzirawo nhengo dzavo kuti dziratidzirewo nemusi weChishanu svondo rino kuburikidza nekuburitsa panze homwe nemidhebhe nemarokwe.

VaMukono vanoti iyi ndiyo chete nzira yekuratidza nayo hurumende kuti homwe dzavo hadzina mari sezvo mari dzavari kutambiriswa dziri shoma zvikuru.

Vanoti mari dziri kutambirwa nevarairidzi dzave shoma nezvikamu makumi mashanu kubva muzana nekuda kwekukwira kwemitengo yezvinhu, asi mihoro isina kwairi kuenda.

Vana chiremba vari musangano reZimbabwe Hospital Doctors Association vari kurongawo kuendesawo gwaro renyunyuto kumakurukota ezvepfumi, hutano, pamwe nekubhodhi rinoona nezvehutano reHealth Services Board.

Munyori mukuru wesangano iri, Doctor Alloys Muzvaba, vaudza Studio 7 kuti vari kunyunyutawo nekuderera kwemari dzavanotambiriswa zvichienzaniswa nekukwira kwemitengo yezvinhu.

Sangano ravanachiremba iri rakaburitsawo gwaro rinoti mihoro yavana chiremba vanoshanda muzvipatara zvehurumende yaderera nezvikamu zana kubva muzana kudzika kuenda pamadhora mazana matatu nemakumi mashanu pamwedzi.

Sangano iri rinoti riri kukurudzira hurumende kuti igadzirise nyaya iyi nekukasika kuitira kudzivirira kuramwa mabasa kwavanachiremba nyika yose, izvo zvinozokanganisa nyika yose.

Doctor Muzvaba vati sangano ravo riri kukwenenzvera gwaro iri, vachiti panosvika kupera kwesvondo vanenge vari svitsa kwarinofanirwa kuenda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG