Accessibility links

Breaking News

Makambani Anotevera Zvikwereti zveMakanzuru Oyambirwa Kusaita Izvi


Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, (ZLHR) raburitsa gwaro riri kuyambira makanzuru pamwe nezvipatara zvehurumende vari kushandisa zvikonzi mukuwuyira zvikwereti zvavo kuti vari kutyora chikamu 68 (1) chebumbiro remitemo yenyika.

Sangano iri rinoti magweta ane magwaro anovabvumidza kuita basa ndivo chete vanobvumidzwa nemutemo kupa yambiro dzekusungisa vanhu, kana kubatsira vanhu nemazano mune zvemutemo.

Sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights riri kuyambira makanzuru kuti kune nzira dziri pamutemo dzinokwanisa kuteverwavo nevagari vachipikisa zviri kunze kwemutemo zviri kuitwa nemakanzuru zvekushandisa zvikonzi mukutevera zvikwereti zvawo.

Makanzuru eHarare neBulawayo anonzi ari kushandisa kambani yeWell Cash mukutevera zvikwereti zviri muvagari, danho rakanzi nedare repamusoro riri kunze kwemutemo, asi richiri kushandiswa nemakanzuru aya.

Mutauriri wesangano remagweta iri, VaKumbirai Mafunda, vanoti makanzuru anofanirwa kunge ari pamberi mukuchengetedza kodzero dzevanhu, kwete kudzityora.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG