Matambudziko ari kusangana nevarwere muzvipata zvose zvehurumende nekuda kwekusaenda kubasa kwavanachiremba, ari kutarisirwa kuramba achienderera mberi sezvo vanachiremba ava nesangano reHealth Service Board, kana kuti HSB, vasiri kuwirirana.
Guta reBulawayo rinoti ratanga kuwedzera kuvharwa kwemvura kubva pamazuva maviri kuenda pamazuva matatu.
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vazivisa nhasi kuti mutungamiri wechikwata chinopfurikidza mwero cheIslamic State kana kuti ISIS Abu Bakr al Baghdadi nezuro akaurayiwa nemauto eAmerica eSpecial Operations muSyria nezuro.
Hurumende yeAmerica nezuro yakatemerwa zvirango gurukota rezvevasori VaOwen Mudha Ncube zvirango ichivapomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu.
Zimbabwe nedzimwe nyika dzakawirwa nedambudziko remafashamu emvura nedutumupengo remhepo kana kuti Cyclone Idai dzinonzi dziri kuda mari inosvika mabhiriyoni mana kugadzirisa zvakaparadzwa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vatungamiri venyika dzemuAfrica vapeta nhasi musangano neRussia kuSochi.
Vanofungidzirwa kuti ndevechidiki vebato reZanu-PF vari kupomerwa mhosva yekutema motokari yange yakatakura mutumbi waVaHilton Tafadzwa Tamangani
Vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana manomwe kana kuti US$7, 7 million vakatarisana nenzara inotyisa muZimbabwe apo pasi rose range richipemberera zuva rekuwanisa vanhu kudya kwakakwana nhasi kana kuti World Food Day.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika munyika yeRussia nhasi pamberi pemusangano weRussia-Africa Economic Summit.
Nemusi weChishanu, nyika dzemuSADC dziri kutarisirwa kubatana neZimbabwe kuti dzikurudzire nyika dzakabudirira dzakaita seAmerica, gungano reEuropean Union nedzimwe kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende.
Bazi re Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti ZIMSTATS rinoti mitengo yezvinhu kana kuti consumer inflation mumwedzi mitatu yapfuura iri kukwira hayo asi kwete zvakanyanyisa sezvange yamboita.
Vamwe varairidzi vari pasi pesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ vatanga kuramwa mabasa nhasi vachiti vanoda kuwedzerwa mari
Kurudziro yakaitwa nemubatanidzwa wemakereke munyika weZimbabwe Heads of Christian Denominations yekuti nyika imbopedza makore manomwe isati yaita sarudzo ichigadzirisa zviri kunetsa yakonzera mutauro wakanyanya.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika kuLyon, France kumusangano wekuyedza kuumba homwe yekurapa zvirwere zvakaita seHIV,TB nemalaria pasi pesangano reGlobal Fund
Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanopa muonero avo pamashoko akataurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pahurongwa hweState of the Nation Address nezuro. Nyaya ina Blessing Zulu.
Vamwe veruzhinju vachiteerera zvange zvichitaurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, muparamende pamusoro pemamiriro akaita zvinhu munyika, mumashoko aya vakurudzira runyararo pamwe nekurwisa huori.
Vachitaura neStudio 7 panze pedare reparamende mushure mekubuda VaMnangagwa vachitaura, sachigaro weMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, vati bato ravo haricherechedze VaMnangagwa semutungamiri wenyika sezvo vakabirira sarudzo zvemhando yepamusoro uye zvisina mukare akamboona.
Mushure mekunge vabuda mudare reparamende, mutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda, vazivisa kuti vachabatira mari nhengo dzeMDC nekubuda mudare panguva iyo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanga vachitaura.
Mumiriri weMutare Central, VaInnocent Gonese veMDC, vanoti VaMnangagwa vakundikana uye kuvateerera kurovera hoko padehwe retsindi.
Rodhai zvimwe