Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Basa kweVarairidzi Kokanganisa Kunyorwa kweBvunzo


Vamwe varairidzi vari pasi pesangano reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ vatanga kuramwa mabasa nhasi vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira pamwedzi.

Varairidzi ava vanotiwo vanoda kupihwa mari pavanenge vachinyoresa vana bvunzo.

ARTUZ inoti kuramwa mabasa uku kwapa kuti vamwe vana vatadze kunyora bvunzo dzavo. Mutungamiri weARTUZ VaObert Masaraure vaudza Studio 7 kuti varairidzi havasi kuzoenda kubasa kusvika zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Hurukuro naVaObert Masaraure
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vatiwo kuramwa mabasa kwavo kwapa kuti vehurumende neZIMSEC vatumire tsamba yekuti paitwe nhaurirano panyaya yekuti vanenge vachinyora bvunzo vabhadharwe.

Sezvo tisina kusimbira divi rimwe chete setsvimbo, tabatawo gurukota rezvedzidzo Muzvinafundo Paul Mavima avo varamba kuti pane bvunzo dzakanganiswa.

Vatiwo hurumende iri kuita nhaurirano nevamwe varairidzi vari mumasangano akaita sePTUZ neZIMTA pasi peAPEX Council nenyaya yemihoro. Vashora zvikuru veARTUZ vachiti vanoita zvehunhinhi.

Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG