Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshora Kutemerwa Zvirango kweGurukota reVasori VaNcube neAmerica


VaOwen Ncube
VaOwen Ncube

Hurumende yeAmerica nezuro yakatemerwa zvirango gurukota rezvevasori VaOwen Mudha Ncube zvirango ichivapomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaMike Pompeo vakanyora padandemutande ravo reTwitter kuti vose vanotyora kodzero dzevanhu muZimbabwe vanofanira kurangwa.

Zvirango izvi zvakauya musi mumwechetewo hurumende yeZanu-PF ichangopedza kuratidzira munyika ichiti zvirango zvinofanira kubviswa.

Asi vanhu vashoma shoma zvikuru ndivo vakateerera kurudziro yekuti varatidzire. Asi hurumende yakawana mashoko erutsigiro kubva kuAfrican Union nenyika dzemuSADC.

Sachigaro weAU Commission VaMoussa Faki vakaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti sangano ravo rinoda kuti zvirango zvibviswe sezvakataurwa neSADC.

Asi sachigaro wekomiti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mudare resonate muAmerica VaJim Risch vakaburitsa mashoko kuvatori venhau vachiti hurumende yemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa iri kuda kuhwanda nemunwe ichiti zvirango ndizvo zvapa kuti nyika iende kumawere asi kuri kutadza kutungamira.

VaRisch vanoti pane kuratidzira, hurumende inofanira kuvandudza zvinhu zvinopa kuti vanhu vayo vagare zvakanka. Vati America haingotemere vanhu vasina zvavaita zvirango.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vashora kutemerwa kwaVaNcube zvirango vachiti America haina kufara nekutora kwavakaita minda.

Hurukuro naVaEnergy Mutodi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato reMDC Muzvare Gladys Hlatywayo vanoti zvekufora hazvishande kana Zimbabwe isiri kuremekedza kodzero dzevanhu.

Hurukuro naVaGladys Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG