Accessibility links

Breaking News

Kanzuru Yovhara Mvura kweMazuva Matatu muBulawayo


Vashandi vachigadzira pombi dzemvura kuBulawayo
Vashandi vachigadzira pombi dzemvura kuBulawayo

Guta reBulawayo rinoti ratanga kuwedzera kuvharwa kwemvura kubva pamazuva maviri kuenda pamazuva matatu.

Mumashoko kuvatori venhau, munyori mukuru weguta iri VaChristopher Dube vati vambovhara mvura kunzvimbo dzakaita seMagwegwe, Criterion neTuli kunyanya kuti vamboyedza kuzadza matangi anochengeta mvura.

Vatiwo mvura yadererea asi dambudziko riri kuwedzerwa nekudzimwa kwemagetsi kunzvimbo dzisingafanire kunge dzichidzimwa neZESA. Hatina kuda kukwanisa kubata mutauriri weZESA VaFullard Gwasira sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi vakamboudza Studio 7 kuti kana paita matambudziko ekudzimwa kwemagetsi kunzvimbo dzakakosha vakaziviswa vanogadzirisa matambudziko acho nechimbi chimbi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG