Accessibility links

Breaking News

America Inouraya Mukuru weISIS Abu Bakr Al Baghdadi


 Abu Bakr al-Baghdadi
Abu Bakr al-Baghdadi

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vazivisa nhasi kuti mutungamiri wechikwata chinopfurikidza mwero cheIslamic State kana kuti ISIS Abu Bakr al Baghdadi nezuro akaurayiwa nemauto eAmerica eSpecial Operations muSyria nezuro.

VaTrump vataura mashoko aya kumuzinda wavo weWhite House nhasi mushure mekunge nyanzvi dzapedza kuvheneka mutumbi wa Al Baghdadi kuti dzione kuti ndiye here chaiye ainge aurayiwa. Hapana kana muuto mumwe chete weAmerica akaurayiwa muchiitiko ichi.

VaTrump vati Al Baghdadi akazviputitsira bhambo raainge akazvisungirira achibva afa nevana vake vatatu mushure mekunge ayedza kupinda mumwena waainge achera kuitira kutiza.

Sangano revasori muAmerica reCentral Intelligence Agency rakabatsira kusora kwainge kuina Al Baghdadi. Al Baghdadi akatanga kutungamira chikwata che ISIS muna 2010.

Muna 2013 akatanga kushanda nechimwe chikwata chaitsigirwa neAl Qaida muna 2013. Al Baghdadi ainge achihwanda kuurayiwa kwemakore mashanu apfuura. Akapedzisira kubuda pavhidhiyo muna Kubvumbi panhepfenyuro yeISIS yeFurqan.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG