Accessibility links

Breaking News

SADC Yotungamira Mukurudziro Yekuti Zvirango Zvibviswe


SADC yakatara musi wa25 Gumiguru sezuva rekuratidzira kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe.
SADC yakatara musi wa25 Gumiguru sezuva rekuratidzira kuti zvirango zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe.

Nemusi weChishanu, nyika dzemuSADC dziri kutarisirwa kubatana neZimbabwe kuti dzikurudzire nyika dzakabudirira dzakaita seAmerica, gungano reEuropean Union nedzimwe kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru venyika vachipoemerwa mhosva yekutonga nedemo.

Izvi zvakabuda muchisungo cheSADC kuTanzania munaNyamavhuvhu wegore rino.

Vhiki rino, Studio 7 ichange ichitarisa nyaya yezvirango iyi kuti ndiyo here yapa kuti nyika iende kumawere kana kuti kutadza kutungamira nyika nehuwori.

Kwemakore akawanda nyika yeZimbabwe neAmerica, nyika dziri musangano reEuropean Union nedzimwe zvagara zviri makara asionane nenyaya yezvirango. Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakaudza musangano weUnited Nations General Assembly muna Gumiguru kuti zvirango izvi zvinofanira kubviswa.

Asi America inoti Zimbabwe inoziva zvinoda kuitwa nekudaro haifanire kungorova bembera sekutaura kwemutevedzeri wegurukota rinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica VaMathew Harrington.

Ko zvirango zvinotemerwa zvaita sei chaizvo uye pane mhando dzakaita sei? Zvirango zviri paviri, zvimwe zvinogona kutemerwa nenyika kune imwe nyika uye zvimwe zvichitemerwa nesangano remubatanidzwa wenyika dzepasi rino, weUnited Nations.

Zimbabwe imwe yenyika shoma pasi rino ine vanhu vasangana nezvirango kutanga muna 1966 panguva yeRhodesia uye makore ekuma 2000 nyika yawana kuzvitonga kuzere. Southern Rhodesia ndiyo nyika yakatanga kutemerwa zvirango neUnited Nations.

Zvirango pasi peUnited Nations zvinoiswa nebazi reSecurity Council. Kanzuru iyi ine nyika gumi, asi shanu chete dzinoti China, Russia, France, Britain neAmerica ndidzo dzisingabude mukanzuru iyi. Zvirango zviri muUnited Nations Charter muchikamu chechinomwe kana kuti Chapter VII uye zvinoshandiswa kana United Nations isingadi kutumira mauto.

Kubva muna 1966, Security Council yaita zvirango kudzihurumende nemamwe masangano kanokwana makumi makumi matatu.

Izvi zvinosanganisira, Southern Rhodesia, South Africa, Yugoslavia kaviri, Haiti, Iraq kaviri, Angola, Rwanda, Sierra Leone, Somalia neEritrea kaviri, Ethiopia, Liberia katatu , DRC, Côte d’Ivoire, Sudan, Lebanon, DPRK, Iran, Libya kaviri, Guinea-Bissau, CAR, Yemen, South Sudan neMali. Zvikwata zvinopfurikidza mwero zveISIL kana kuti ISIS kana (Da'esh), Al-Qaida ne Taliban zvakatemerwawo zvirango.

Zvirango zveSecurity Council zvinoiswa zvichienderena nezvinangwa zvakasiyana siyana. Zvimwe zvinoiswa panyaya dzehupfumi nekutengeserana, zvimwe pakuti nhubu dzisatengeserwe zvombo, kurambidza vamwe vatungamiri kufamba nezvimwe.

Zvirango hazvingoiswe kuranga chete asi dzimwe nguva zvinoiswa kubatsira kuunza runyararo, kumisa nyaya dzekupidigura hurumende, kurwisa vanopfurikifdza mwero, uye kuchengeta kodzero dzevanhu.

Zvirango zveUnited Nations hazvingoiswe nje, asi kuti pane komiti inoona kuti zviri mugwara here kana kuti kwete uye kuti vanhu vanobviswa sei pazvirango izvi.

Rhodesia muna 1966, iri pasi pevaive mutungamiri wehurumende VaIan Douglas Smith yakatemerwa zvirango neUnited Nations. Ko zvirango izvi zvakauya sei? Muzvinafundo Munyaradzi Munochivei vanotsanangura.

Nyaya ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:08:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Ko zvirango izvi zvainge zvakanangana nei? Muzvinafundo Munochivei vanotsanangura

Muna 1966, vaive mutungamiri wenyika yeBritain VaHarold Wilson vakapika kumusangano weCommonwealth kuNigeria kuti hurumende yaVaSmith yaizodonha mukati memavhiki kwete mwedzi. Asi izvi zvakava zviroto? Tabvunza VaMunochivei kuti sei zvakafamba kudaro.

Vanokokera sangano reCitizens Manifesto VaBrigs Bomba vanoti Rhodesia yakakwanisawo kugadzira zvimwe zvinhu kuti ipunyuke mukanwa mamupere.

VaMunochivei vanoti zvirango zvine zvazvakabatsira.

Kunze kwezvirango zveUnited Nations, nyika inogonawo kungotemerwa zvirango neimwe. America ine nyika dzakawanda dzayakatemra zvirango dzinosanganisira Zimbabwe, North Korea, Cuba, Iran nedzimwe. Zimbabwe yakatemerwao zvirango nenyika dzinodyidzana neAmerica dzinosanganisa Canada, New Zealand nedziri mugungano reEU.

Muna 2003, vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaGeorge Bush vakatemera vamwe vatungamiri venyika yeZimbabwe zvirango nenyaya yekutyora kodzero dzevanhu. Asi vakuru vehurumende vanoti izvi zvakaitwa nekuti vainge vatora minda kubva kuvachena kuendesa kuvatema.

Parizvino pane vatungamiri muhurumende nemubato reZanu-PF makumi masere nemana uye makambani kunyanya mapurazi makore makumi mashanu nematanhatu. Izvi zvakatevera kudzikwa kwemutemo we Zimbabwe Democracy and Economy Recovery Act kana kuti ZIDERA neAmerica muna 2001.

Muna 2018, America yakavandudzawo mutemo weZIDERA uyu. VaHarrington vanoti mutemo wakawandudzwa uyu unonyatsoburitsa pachena zvinoda kuitwa neZimbabwe uye zviri kwairi kufuka kana kuwarira.

America inoti iri kudawo kuti ose mauto anofungidzirwa kuti akapfura vanhu musi wa 1 Nyamavhuvhu gore rapera asungwe. Kuratidza kuti haisi kudzora tsvimbo, yakabva yatemerawo zvirango vaitungamira mauto aya uye vave mumiriri weZimbabwe kuTanzania VaBrigadier General Anselem Sanyatwe.

Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanoshora zvirango izvi.

Vaive munyori mukuru weUnited Nations VaBan Ki Moon vakati sangano ravo haripindire panyaya dzezvirango zvakatemerwa nenyika kunyika vachiti zviri kunyika mbiri idzi kuti dziite sungawirirano.

Muna 2002, sangano reEuropean Union rakatemerawo vamwe vatungamiri vehurumende yeZimbabwe mazana maviri zvirango richivapomera mhosva yekutonga nedemo uye tsvimbo mugotsi kune vanopikisa nekushungurudza vatori venhau.

Zvirango izvi zvinosanganisira kuti Zimbabwe isatengeserwe zvombo zvehondo uye kurambidza vamwe vatungamiri kushanyira nyika dzemuEU pamwe nekutora hupfumi hwavo huri kunze.

Mumiriri weEU muZimbabwe VaTimo Olkkonen vanoti parizvino pazvirango pasara vaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanotarisira kubviswa chero nguva, mudzimai wavo, Amai Grace Mugabe, kambani yeZimbabwe Defence Industries uye Zimbabwe haibvumidzwe kutenga zvombo kunyika idzi.

Vamwe vari pazvirango havo asi vachiongororwa kwemakore mashanu mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, gurukota rezvekurima VaPerrence Shiri uye mukuru wemauto VaPhilip Valerio Sibanda.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG