Accessibility links

Breaking News

Madhokotera Oramba Kunotongwa Achiti Akagadzirira Kana Kudzingwa Basa


Matambudziko ari kusangana nevarwere muzvipata zvose zvehurumende nekuda kwekusaenda kubasa kwavanachiremba, ari kutarisirwa kuramba achienderera mberi sezvo vanachiremba ava nesangano reHealth Service Board, kana kuti HSB, vasiri kuwirirana.

Vana chiremba vakatanga kusaenda kubasa musi wa 3 Gunyana vachiti vanoda kuwedzerwa mari dzavanotambira, kuitira kuti vakwanise kuenda kubasa sezvo mari dzavari kupihwa semihoro, dzisiri kuvakwanira.

HSB inoti yadaidza vanachiremba kuti vauye kumatare kuzvipatara zvavanoshandira kuitira kuti vatongwe pamhosva dzavari kupomerwa dzekutadza kuenda kubasa.

Asi vanachiremba vanoti havana kana mari yekuenda kumatare acho izvo zvosiya varwere vari panyanga dzamushore.

Sachigaro weHSB, Dr Paulinus Sikosana, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vanachiremba ava vakasauya, nyaya dzavari kupomerwa dzichatongwa ivo vasipo.

Dr Sikosana vati vakuru vemuzvipatara ndivo vachange vachitonga vanachiremba vasiri kuenda kumabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Vatiwo kunyange hazvo vanachiremba vari kuramba kupinda mumisangano yavo pasi pesangano rinomirira vashandi vehurumende reHealth Apex Council, nhaurirano dziri kuenderera mberi.Vati vari kumboyedza kuwedzera vanachiremba mari asi hazvisi kubatsira.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru wesangano rinomirira vanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr Tawanda Zvakada, vanoti hurumende kana ichida kuvadzinga ngaivadzinge nekuti vagara havasi kutambiriswa mari yemihoro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG