Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vangabude neChouviri Here kuRussia? Nyanzvi Dzozeya


VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin
VaEmmerson Mnangagwa naVaVladmir Putin

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika munyika yeRussia nhasi pamberi pemusangano weRussia-Africa Economic Summit.

Musangano uyu uri kutarisirwa kutanga neChitatu mudunhu reSochi uchipera neChishanu.

Mutungamiri wenyika yeRussia VaVladimr Putin nasachigaro weAfrican Union vari mutungamiri wenyika yeEgypt VaAbdel Fattah el-Sisi ndivo vanenge vari masachigaro pamusangano uyu. Vatungamiri venyika dzemuAfrica makumi mana nevatanhatu ndivo vari kutarisirwa kuva masachigaro pamusangano uyu.

Vakuru muhurumende yeZimbabwe vanoti vari kutarisira kuti vanobuda nechouviri kumusangano uyu sezvo vagara vachidyidzana munyaya dzezvezvicherwa kunyanya zvakaita semangoda, goridhe neplatinum.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari nhengo yeZanu-PF uye vakambotungamira sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce VaCallisto Jokonya vati misangano iyi yakakosha.

Asi mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC VaTendai Biti avo vaimbova gurukota rezvemari vanoti VaMnangagwa vachadzoka ari maoko chete.

Mashoko aya atsinhirwawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachisanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vati chakachenjedza ndochakatanga.

Ko chii chinoda kuitwa neZimbabwe kuti ikohwe pakuru? VaChitambara vati Zimbabwe inofanira kutanga yazeya kuti sei zvayakambobvumirana nedzimwe nyika zvisiri kuzadzikiswa.

VaBiti vatsinhirawo mashoko aya vachiti kana pasina kutaurirana panyaya dzezvematongerwo enyika hakuna wekunza anoda kuuya kuzouchika mari munyika.

VaJokonya vati havatenderane nevanoti VaMnangagwa vari kusungirira mari pagumbo rengwe.

Musangano wemazuva maviri uyu uri kuitwa pasi dedingindira rakanangana nezvehumhizha mumabhizimisi kana kuti Innovation Territory uye wakarongwa neRoscongress Foundation ne Russia–Africa Economic Forum uye Russian Export Center neAfreximbank. Uyu musangano wekutanga kuitwa neRussia nenyika dzemuAfrica.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG