Accessibility links

Breaking News

ZIMSTATS Inoti Mitengo yeZvinhu Iri Kuwedzerwa, Asi Zviri Nani


Bazi reZimbabwe National Statistics Agency, kana kuti ZIMSTATS, rinoti mitengo yezvinhu kana kuti consumer inflation mumwedzi mitatu yapfuura iri kukwira hayo asi kwete zvakanyanyisa sezvayange ichimboita.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti izvi hazvina hazvo zvakanyanya zvazvinoreva nekuti hupfumi hwenyika hwananga kumawere.

Muna Chikumi, mutengo wezvinhu kana kuti consumer inflation wainge wasvika pazvikamu makumi matatu nemapfumbamwe nezviga zvitatu kubva muzana kana kuti 39.3%.

Mumwedzi waChikunguru wakange wave pazvikamu gumi nezvisere nechiga chimwe chete kubva muzana kana kuti 18,1% uchizodzika kusvika pazvikamu gumi nezvinomwe nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 17,7% muna Nyamavhuvhu.

Muzvinabhizimisi vari nhengo yeZanu-PF, VaGilbert Muponda, vati zvinhu zvinogona kunge zvave kugadzikana sezvo vanhu vasisanyanye kutenga zvimwe zvinhu nekuti zviri kudhura.

Nyaya yekuti zvinhu muzvitoro hazvisi kunyatsotengwa yatsinhirwawo nemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu.

Asi vaimbova gurukota rezvemari, VaTendai Biti, avo vanove mumwe mutevedzeri wemutungamiri webato reMDC, vanoti sangano reZIMSTATS harisi rekuvimba navo.

VaBiti vanoti mitemo yehurumende iri kupa kuti vanhu vakawanda vanonge svosve nemuromo.

Mashoko aya atsinhirawo neimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, avo vati mitengo yemuzvitoro yakasiyana neyemumigwagwa umo muri kutengwa zvinhu nevanhu.

VaBiti vanotiwo hurumende inofanira kudzosa hurongwa kwekuti vanhu vaudzwe kuti inflation yepagore yasvika papi kana kuti annual inflation.

Hurumende yakarambidza kuburitswa kweinflation yepagore muna Chikumi apo yainge yasvika pazvikamu zana nemakumi manomwe nemashanu nezviga zvinomwe kana kuti 175,7%.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG