Accessibility links

Breaking News

MDC Inobuda Muparamende VaMnangagwa Vachitaura


MDC Lawmakers At SONA
MDC Lawmakers At SONA

Nhengo dzeMDC dzabuda muparamende apo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanga vachitaura pahurongwa hwavo hwekuzivisa nyika mamiriro akaita zvinhu munyika.

Vachitaura neStudio 7 panze pedare reparamende mushure mekubuda VaMnangagwa vachitaura, sachigaro weMDC, Muzvare Thabitha Khumalo, vati bato ravo haricherechedze VaMnangagwa semutungamiri wenyika sezvo vakabirira sarudzo zvemhando yepamusoro uye zvisina mukare akamboona.

Asi vachipindura mashoko aya, gurukota rezvemitemo uye vachitungamira bato reZanu-PF mudare reparamende, VaZiyambi Ziyambi, vati zvaitwa neMDC kutungana kwembudzi.

Mashoko aya atsinhirwawo negurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa

Nhengo yeMDC inomirira Mutare Central, VaInnocent Gonese, vati VaMnangagwa vakundikana uye kuvateerera kurovera hoko padehwe retsindi.

Mushure mekunge vabuda mudare reparamende, mutauriri wedare iri, VaJacob Mudenda, vabva vati vachabatira mari nhengo dzeMDC nekubuda mudare.

Nhengo dzeparamende dzakapihwa mari inosvika zviuru gumi nezvinomwe zvemadhora pamunhu wega wega neMuvhuro semari yadzisina kupihwa kwemwedzi yakawanda.

Asi vanokokera MDC mudare reparamende, VaProsper Mutseyami, vati zvataurwa naVaMudenda hazvina musoro wese.

Izvi zvatsigirwawo naSenator Lilian Timveos veMDC vachiti havasi havo kuzodzora tsvimbo padanho ratorwa nebato ravo rekusatora VaMnangagwa semutungamiri wenyika

Asi VaZiyambi vati veMDC vanofanira kurangwa kudarika zvaitwa naVaMudenda

Apo VaMnangagwa vanga vachitaura, pange pane vanhu vasingadarike mazana matatu vange vari panze pedare reparamende, vamwe vavo vakapfeka hanzu dzine mifananidzo yaVaMnangagwa.

Vamwe vange vakatakura zvinyorwa zvinokurudzira kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzekunze zvibviswe.

Nyika idzi dzinoti dzakatemera vakuru venyika zvirango nepamusana pekuti vanotonga nedemo vachimbunyikidza kodzero dzevanhu, zvikuru vanopikisa.

Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador Brian Nichols, vakaudza vatori venhau mwedzi wapera kuti zvirango zvakatemerwa nenyika yavo zvichabviswa chete kana hurumende yaVaMnangagwa yava kuita zvinotambirwa nenyika dzine hutongo hwejechetere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG