Accessibility links

Breaking News

VeChidiki veZanu-PF Vopomerwa Mhosva yeKutema Mota Yange Yakatakura Chitunha


.
.

Vanofungidzirwa kuti ndevechidiki vebato reZanu-PF vari kupomerwa mhosva yekutema motokari yange yakatakura mutumbi waVaHilton Tafadzwa Tamangani avo vakafa nemusi weChitatu mapurisa achipomerwa mhosva yekuvaita kafiramberi.

Asi mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vaudza Studio 7 kuti bato ravo rinoda runyararo vakati kana paine ari kupomera dzimwe nhengo dzavo mhosva anofanira kuenda kumapurisa.

Motokari yeNyaradzo yange yakavatakura yatemerwa kuZengeza kwavari kuchemerwa. Mutungamiri webato rinopikisa reMDC VaNelson Chamisa nehutungamiri hwavo vaenda kunobata maoko.

VaTamangani nevamwe gumi vanotengesa mumigwagwa vakasungwa nemapurisa svondo rapera vachipomerwa mhosva yekuva nechekuita nemaheremeti ainge aonekwa mumahofisi eRobinson House achinzi nemapurisa aida kushandiswa kuita zvemhirizhonga.

Asi zvakazobuda kuti ainge ari emumwe muzvinabhizimisi akaatenga zviri pamutemo. Mapurisa akambomubvunzurudza.

Asi hatina kukwanisa kunzwa divi remapurisa sezvo mutauriri wavo Assistant Commissioner Paul Nyathi vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Mutungamiri webazi revechidiki muMDC VaObey Sithole vashora zvikuru zvavati zvaitwa nevechidiki veZanu-PF zvekutadza kuremekedza mufi.

Hurukuro naVaObey Sithole
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG