Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotarisana neNzara Isina Mukare Akamboona


Vanhu vanosvika mamiriyoni manomwe nezviuru mazana manomwe kana kuti US$7, 7 million vakatarisana nenzara inotyisa muZimbabwe apo pasi rose range richipemberera zuva rekuwanisa vanhu kudya kwakakwana nhasi kana kuti World Food Day.

Mhemberero idzi dzaitirwa kuGweru nhasi uko kwange kuine vamiriri vehurumende nemasangano anopa rubatsiro munyika.

Sangano reFood and Agriculture Organization kana kuti FAO muongororo yaro rinoti vanhu mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mashanu vakatarisana nenzara kumaruwa zvikuru mukutanga kwaNdira kusvika Kurume.

Asi kubva mumwedzi uno kusvika muna Zvita vanhu mamiriyoni mana nezviuru mazana manomwe ndivo vanoda rubatsiro rwezvekudya. Imwe ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Vulnerability Assessment kana kuti ZIMVAC inoratidzawo kuti mumadhorobha mune vanhu mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri vakatarisana nenzara inotyisa zvinonzi hazvisati zvamboitika munhoroondo yenyika.

Ongororo iyi inoratidzawo kuti nzvimbo dzakaita seNorton neEpworth ndidzo dzine vanhu vakawandisa vatarisana nenzara mumadhorobha.

Nzara inonzi iri kukonzerwa nekusanaya zvakanaka kwemvura uye kudhura kwezvinhu zvichikonzerwa nehupfumi husina kumira zvakanaka. Mitengo yezvinhu inonzi yakwira nezvikamu makumi mana nemasere kubva muzana zvopa kuti vakawanda vashaye chekudya.

Mugari wekuGokwe VaMurawa Sibanda vekuGokwe avo vati nzara yapfunya chisero munharaunda mavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG