Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeMamwe Makerereke yeKuda Kumisa Sarudzo Yokonzera Mutauro


VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa
VaEmmerson Mnangagwa naVaNelson Chamisa

Kurudziro yakaitwa nemubatanidzwa wemakereke munyika weZimbabwe Heads of Christian Denominations yekuti nyika imbopedza makore manomwe isati yaita sarudzo ichigadzirisa zviri kunetsa, yakonzera mutauro wakanyanya.

Vamwe vanoti neropa rakaipa riri pakati peMDC neZanu-P,Fzviri kutaurwa nemachechi izvi zvinogona kubatsira.

Asi vamwe vanoti zviri kutaurwa nevemachechi ava hazvina nematuro ose nekuti kana vematongerwo enyika vakapihwa makore zana, hapana chinobuda.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuita hurukuro nemamwe mapato madiki muchirongwa chePOLAD, veMDC vanoti hurukuro idzi ndedze mugotsi matsuro dzisina chadzinobura.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaMaxwell Saungweme, vanoti vemachechi havana kunyatsojekesa kuti ndiyani achanyatsotungamira mumakore manomwe avari kutaura.

Asi vaimbova meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vanoti vanotambira zviri kukurudzirwa nevedzisvondo vachiti vezvematongerwo enyika vauraya nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG