Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vosvika muFrance Vachibva kuUganda


VaEmmerson Mnangangwa
VaEmmerson Mnangangwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika muLyon, France kumusangano wekuyedza kutsvaga mari yehomwe yekubatsira kutenga mishonga yekurapa zvirwere zvakaita seHIV, TB nemalaria pasi pesangano reGlobal Fund.

Musangano uyu wakatanga nemusi weChitatu uchipera nhasi nemusi weChina.

VaMnangagwa vange vachibva kuUganda kumhemberero dzekusvitsa makore makumi mashanu nemanomwe nyika iyi yawana kuzvitonga kuzere . Mhemberero idzi dzaiitirwa mudunhu riri kumawirira kwenyika iyi reSironko.

Vachitaura pamhemberero idzi, VaMnangagwa vakati Uganda imwe yenyika dziri kubatsira Zimbabwe iyo yave nemakore makumi maviri iri pajoko rezvirango. Asi nyika dzakaita seAmerica dzinoti zvirango hazvina kungotemerwa munhu wese nje-e asi vatungamiri vanotonga nedemo chete.

VaMnangagwa vatiwo Uganda yakapa Zimbabwe hushingi hwekuda kurwira kuzvitonga kuzere apo yakatanga iyo kuwana kuzvitonga kuzere. Vakatiwo rwendo rwavo rwakanangana nekusimbisa kudyidzana pakati penyika mbiri idzi. Vachitaura nevatori venhau, VaMnangagwa vakati zvirango zviri kupa kuti Zimbabwe isakwereteswe mari.

Asi America inoti Zimbabwe haisi kukwereteswa mari nenyaya yekutadza kubhadhara zvikwereti zvayo.

Vachitaurawo nevatori venhau, gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muUganda VaSam Kutesa vakati Uganda inokoshesa kudyidzana kwenyika yavo neZimbabwe.

VaMuseveni vainge vari muZimbabwe muna Kubvumbi vachivhura zviri pamutemo musika wekutengeserana kana kuti Zimbabwe International Trade Fair muBulawayo.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaEnergy Mutodi vanoti rwendo rwaVaMnangagwa kuUganda rwange rwakakosha zvikuru sezvo ruchibatsira munyaya dzekudyidzana.

Hurukuro naVaEnergy Mutodi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo vebatawo munyori anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika mubato rinopikisa reMDC Muzvare Gladys Hlatywayo avo vashora VaMnangagwa vachiti vange vachipemberera kuUganda uko vanopikisa munyika iyi vakazvimirira VaBobi Wine vange vachishungurudzwa nemapurisa vachirambidzwa kuita mabiko ekuimba.

Hurukuro naMuzvare Gladys Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


VaWine vakaenda kuZimbabwe apo MDC yaiita Congress yayo muna Chivabvu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG