Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChitatu vati havasi kuzosiya masimba kunyange zvodii.
Vechidiki vakawanda vanoti havasi kufara kuti bato reZanu PF riri kuvamanikidza kuti vanofora muHarare nemusi weChitatu vachiratidza rutsigiro kumutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ivo vasina mabasa ekuti vakwanise kuriritira mhuri dzavo.
Veruzhinji vanoti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanofanira kuti vachienda pamudyandigere sezvo vakwegura uye vave nemuzukuru anoda kuchengetwa.
Vashandi vekambani yeNational Railways of Zimbabwe, kana kuti NRZ, varatidzira muHarare nhasi vachiti vanoda mari dzavo dzemihoro dzavave nenguva inodarika gore vasiri kuwana.
Bato rinopikisa reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rave kuendesa bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, kumatare edzimhosva pamusoro pehurongwa hwebhanga iri hwekuda kuwunza mari yepepa iri kudaidzwa kuti ma bond notes.
Asi VaChimbga vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro-soro re Supreme Court vachiti Va Manyenyeni havasi kufara nemutongo waturwa nedare.
Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti bato ravo rave kuenda kumatare kuti rinomisa gurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, avo vanonzi vari kuda kudzika komisheni kuti iwone nezvekufambiswa kwezvinhu muguta reHarare.
Mapurisa atadzisa nhengo dzeOccupy Africa Unity Square kuratidzira mu Harare idzo dzinoti hadzisi kufara nekurohwa kwakaitwa VaPatson Dzamara neMuvhuro nevanofungidzirwa kuti vasori.
Zvizvarwa zveZimbabwe nemusi weMuvhuro zvakapemberera kusvitsa kwakaita nyika makore makumi matatu nematanhatu yawana kuzvitonga kuzere mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachivimbisa kuti hurumende yavo ichagadzirisa zvose zviri kunetsa munyika.
Nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzakaratidzira muHarare nemusi weChina dzichiti hadzisi kufara nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika pamwe nekushayikwa kunonzi kwakaita mazakwatira emari yemangoda ekwaChiadzwa.
Amai Victoria Chitepo pamwechete naAmai Vivian Mwashita Muchicho avo vakashaya svondo rapera vakaradzikwa nemusi weChitatu pamarinda anovigwa magamba enyika pa National Heroes Acre.
Mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, vanoti mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, vanofanira kusiya basa izvozvi vachiti vatadza kugadzirisa nyaya yehupfumi hwenyika.
VaZhuwao vati izvi zvichaita mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema utevedzerwe zvizere.
Hurumende haina kutevedzera zvinodiwa nemitemo yenyika apo yakabvisa midziyo yeMbada Diamonds kwaChiadzwa zvichitevera kusapihwa nehurumende kwekambani iyi rezenisi rekuramba ichiita basa rekuchera mangoda.
Mumwe mugari wemuHarare, Va Edgar Gweshe, vanoti Amai Mujuru vanofanira kuzvichenura panyaya yekubirirwa kunonzi kwakaitwa sarudzo pamwe nekutyora kwekodzero.
Vachitaura nevatori venhau mu Harare neChipiri, Amai Mujuru vati nhaurirano dzekuwumba mubatanidzwa pakati pemapato anopikisa hurumende yeZanu PF pamberi pesarudzo hadzisati dzavepo.
Boka revechidiki mu Zanu PF rashoropodza vatori venhau nekunyora kwavari kuita kurwisana kwezvikwata zveZanu PF zviri kurwira masimba.
Pane ndege yekuAmerica yakabatwa paHarare International Airport neSvondo manheru nevanowona nezvemuchadenga veCivil Aviation Authority of Zimbabwe mushure mekuwanikwa iine mutumbi wemunhu pamwe nemari yakawanda.
VaMngangagwa vanonzi ndevamwe vevari muZanu PF varikuda kutora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kana vachinge vabva pachigaro.
Mapato anopikisa anoti nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa pamberi pesarudzo hadzisati dzatanga kunyange hazvo veruzhinji vakatarisira kuti mapato aya abatane sarudzo idzi dzisati dzaitwa.
Rodhai zvimwe