Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Kuratidzira Kwayaita muHarare Kwabudirira


VaTsvangirai vachitaura kuvatsigiri vavo
VaTsvangirai vachitaura kuvatsigiri vavo

Nhengo dzeMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai dzakaratidzira muHarare nemusi weChina dzichiti hadzisi kufara nekusamira zvakanaka kwakaita zvinhu munyika pamwe nekushayikwa kunonzi kwakaita mazakwatira emari yemangoda ekwaChiadzwa.

Zviuru nezviuru zvenhengo dzeMDCT zvakaungana panzvimbo yavanoti Freedom Square iri pedyo neHarare Show Grounds, pazvatanga kuratidzira zvichipfuura nepakati pedhorobha zvakatungamirirwa naVaTsvangirai nemudzimai wavo Amai Elizabeth Tsvangirai nehumwe hutungamiri hwebato iri.

Varatidziri ava vainga vakatakura zvinyorwa zvakasiyana-siyana zvanga zvichitsoropodza VaMugabe nehurumende yavo. Zvimwe zvezvinyorwa izvi zvanga zvakanzi “Tinoda mabasa edu,” “Mugabe chienda kunozorora” uye zvimwe zvanga zvakanzi “$15 billion yedu iripi”.

Vachibva paFreedom Sqaure, varatidziri ava vakafamba nemuna Robert Mugabe vachipinda mudhorobha ndokupinda muna Julius Nyerere vakazokwidza nemunaNelson Mandela vakananga kuAfrica Unity Square kwavazotaurwa naVaTsvangirai.

VaTsvangirai vati yakwana zvino nguva yekuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachisiya basa sezvo vatadza kugadzirisa matambudziko ari kunetsa munyika.

"Iye zvino Mugabe has no solution because he is too tired. Our demand today is that Mudhara, yakwana nguva yekuti munozorora with dignity," VaTsvangirai vaudza vatsigiri vavo.

Vaendererawo mberi vachiti havasi kukukurudzira kubviswa kwehurumende nechisimba asi kuti VaMugabe vazvinosere pauzima kuti yave nguva yekuenda pamudyandigere.

Vati ruzhinji rweZimbabwe rwuri kutambura nekushayikwa kuri kuita mabasa munyika kunyangwe zvazvo VaMugabe vakavimbisa pamberi pesarudzo dzemuna 2013 kuti hurumende ichaita kuti munyika muumbwe mabasa matsva anodarika mamiriyoni maviri.

VaTsvangirai vati kuratidzira kwavaparura kuchatekeshera nenyika yose mumazuva mashoma anotevera.

"Tiri kutanga Harare ino as one of the provincial expression, but tichaenda kunana Bhuruwayo, kunanaMasvingo, kunanaMutare, tozoita an expression iri national," vadaro VaTsvangirai.

Murongi wemisangano mupurovhinzi yeHarare muMDC-T, VaRhino Mashaya, vati havasi kufarawo nekusaziva kuri kuita hurumende kuti mari yemangoda ekwaChiadzwa yakashanda chii.

Masvondo mashoma adarika, VaMugabe pachavo vakati havazive kuti mari inokwana mabhiriyoni gumi nemashanu emadhora yakabva mukutengeswa kwemangoda aya yakaendepi.

Mumwe wevaratidziri ava, Amai Vimbai Nyamunda, vaudza Studio 7 kuti zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyika zvekuti havachaziva kana nepekutangira kuti vakwanise kurarama.

Mapurisa anodzivirira mvongamupopoto anga akazara mudhorobha rese akapakatira zvombo asi izvi hazvina kutadzisa varatidziri ava kuenderera mberi nechinangwa chavo.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kuratidzira kwaitwa neMDCT kunouyawo apo mapurisa akambenge aramba kuti bato iri riratidzire zvakaita kuti MDCT izokwidza nyaya iyi kumatare ayo akatura mutongo nemusi weChitatu kuti mapurisa asarambidze bato iri kuratidzira.

Vamwe vemapato anopikisa nevemasangano akazvimirira vakatambira nemufaro mutongo wedare repamusoro uyo.

Mukuru wesangano revechidiki reYouth Initiative for Democracy in Zimbabwe VaSydney Chisi vanoti vanofadzwa nezvaitwa nevatsigiri veMDC T ava uyewo nemutongo wakapiwa nedare repamusoro, iro rakati mapurisa asarambidze bato iri kuratidzira.

“Isu tapinda mukuratidzira uku nekuti tagara tichishanda nemamwe mapato pasi pehurongwa hweNERA neZNAP, asi tinotarisira kuti mune ramangwana vana vese veZimbabwe vachabatana mukutaura nezwi rimwechete,” VaChisi vanodaro.

Mutauriri wePeople’s Democratic Party VaJacob Mafume vanotiwo vanorumbidza zvikuru zvaitwa neMDC T vachiti kunyange hazvo bato ravo ranga risina kukokwa, vanotarisira kuti mune remangwana vachange vachishanda pamwe semapato anopikisa.

“Vanhu vanofanirwa kuziva kuti chinhu ichi inzou hombe saka inoda kuti vanhu vaivhiye pamwe chete.” VaMafume vanodarowo.

Hurukuro naVaJacob Mafume pamwe naVaSydney Chisi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG