Accessibility links

Breaking News

Dare Rinorasa Chikumbiro chaVaManyenyeni Chekuda Kudzoswa paBasa


manyenyeni
manyenyeni

Asi VaChimbga vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro-soro re Supreme Court vachiti Va Manyenyeni havasi kufara nemutongo waturwa nedare.

Dare repamusoro rarasa chikumbiro chakasvitswa kudare nameya weHarare, Va Benard Manyenyeni, avo vakambomiswa basa negurukota rezvematunhu, VaSaviour Kasukuwere, chekuti vadzoserwe pabasa nechimbichimbi.

Mutongi wedare repamusoro, Amai Mary Zimba Dube, varasa chikumbiro chaVa Manyenyeni chekuti vadzoserwe pabasa zvichitevera kumbomiswa kwavakaitwa naVa Kasukuwere, mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekusafambisa basa zvakanaka pamwe nekusateerera VaKasukuwere.

Gweta raVa Manyenyeni, VaDzimbahwe Chimbga, avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzvenhau reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaudza Studio 7 kuti mutongi wedare haana kuvapa zvikonzero zvekurasa kwaaita nyaya yaVaManyenyeni.

VaKasukuwere vaudza Studio7 parunhare kuti vafara zvikuru nemutongo wapihwa nedare.

Asi VaChimbga vati vachakwidza nyaya iyi kudare repamusoro-soro re Supreme Court vachiti Va Manyenyeni havasi kufara nemutongo waturwa nedare.

Zvichakadai, Va Kasukuwere vakaudza vatsigiri veZanu PF pamusangano wakaitirwa mudunhu reMashonaland Central masvondo maviri adarika kuti vacharamba vari mumatare nechinangwa chekuti VaManyenyeni vasadzokere pabasa.

Imwe nyaya yakakwidzwa mumatare nemasangano evagari vemuHarare pamusoro pekumbomiswa kwakaitwa VaManyenyeni basa naVaKasukuwere ichiri mumatare uye vatungamiri vemasangano aya vati vachazotaura nevatori venhau kana nyaya yavo yanzwikwa.

VaManyenyeni vanoti kumiswa kwavakaitwa basa naVaKasukuwere kuri kunze kwebumbiro remitemo iro rinoti kana meya vachidzingwa panofanira kuwumbwa komiti yakazvimirira inonzwa nyaya inenge ichipomerwa meya kwete kuti gurukota rezvematunhu ringoita madiro aJojina.

VaManyenyeni vanonzi naVaKasukuwere havana kufambisa basa zvakanaka mukupa basa kwakaita kanzuru yeHarare Va James Mushore kuti vave mabharani wekanzuru iyi kana kuti Town Clerk.

VaMushore vakazomiswa basa nemakanzura eHarare kudzamara nyaya yaVaManyenyeni yapera kuzeyewa mudare uye nyaya yekugadzwa kwavo yagadziriswa.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG