Accessibility links

Breaking News

Ndege yeWestern Global Airlines Yowanikwa Iine Mutumbi neMari Yakawanidisa


Western Global Airlines
Western Global Airlines

Pane ndege yekuAmerica yakabatwa paHarare International Airport neSvondo manheru nevanowona nezvemuchadenga veCivil Aviation Authority of Zimbabwe mushure mekuwanikwa iine mutumbi wemunhu pamwe nemari yakawanda.

Pane ndege yekuAmerica yakabatwa paHarare International Airport neSvondo manheru nevanowona nezvemuchadenga veCivil Aviation Authority of Zimbabwe mushure mekuwanikwa iine mutumbi wemunhu pamwe nemari yakawanda.

Mukuru we Civil Aviation Authority of Zimbabwe, Va David Chawota, vaudza Studio 7 parunhare kuti ndege iyi, iyo inonzi yakasimuka ku Germany neMugovera manheru yakananga kuDurban ku South Africa, yakabatwa mushure mekunge yawonekwa ichijuja ropa zvakapa kuti vashandi vepanhandare yendege ye Harare International Airport vashevedze mapurisa nezuro manheru pakamhara ndege iyi pa Harare International Airport.

Va Chawota vati ndege yekambani ye Western Global Airlines iyi yakazovhurwa mushure mekuonekwa kweropa iri ndokubva kwawanikwa muine munhu akafa nemari yakawanda yavasina kuda kutaura kuti imarii asi iri mari yekuSouth Africa.

Mumiriri weSouth Africa muZimbabwe, Va Vusi Mavimbila, vaudza Studio 7 parunhare kuti ndege iyi yanga yakatakura zvinhu zvakahodwa nebhanga guru renyika yavo reReserve Bank of South Africa asi varamba kutaura kuti mari yanga iri mundege iyi imarii.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Mavimbela vati pavanhu vatanhatu vakanga vari mundege iyi, pane zvizvarwa zveSouth Africa zviviri.

Va Mavimbela vati zvizvarwa zveSouth Africa izvi vashandi vebhanga reReserve Bank of South Africa vanga vachifamba nezvinhu zvakahodwa nebhanga iri izvi kubva ku Germany.

Mashoko aburitswa nemukuru anowona mari yekunze mubhanga reSouth Africa iri, Va Pradeep Maharaj, anoti munhu akawanikwa akafa mundege iyi vanofungira munhu aida kuyambuka miganhu yenyika zviri kunze kwemutemo angangove akapinda mundege iyi zvisingazvikanwe.

Va Maharaj vati bhanga ravo riri kushanda zvakasimba nehurumende yeZimbabwe kuti zvinhu zvavo zvakanga zviri mundege iyi zvisvitswe kwavari.

Mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, Va Crispen Makedenge, varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti vanga vakabatikana.

Mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vati havasati vave nezvekutaura pamusoro penyaya iyi sezvo vachiti mapurisa achiri kuedza kunzwisisa kuti chii chaizvo chakanyatsoitika.

Vamwe vanowona nezvemuchadenga muno avo varamba kutaura mazita avo vati mutyairi wendege iyi akambokumbira kumhara ku Maputo guta guru reMozambique kuti vawedzere mafuta mundege iyi asi vanowona nezvemuchadenga kuMozambique vakaramba.

Hatina kukwanisa kuziva chikonzero chakaita kuti vanowona nezvemuchadenga ku Mozambique vakarambireyi kuti ndege iyi imhare kuMaputo.

Vatataura navo ava vati ndege iyi yakazobvumidzwa kumhara mu Harare ichinzi yanga yapera mafuta zvakazoita kuti ipambwe mushure mekunge yawonekwa ichivhinza ropa.

Vamwe vari muchipurisa vari pedyo nekuferefetwa kuri kuitwa nyaya iyi vati pavanhu vakasungwa vakanga vari mundege iyi, pane zvizvarwa zveAmerica zviviri, zvizvarwa zve Pakistani zviviri pamwe nezvizvarwa zveSouth Africa zviviri zvanzi naVa Mavimbela vashandi venhanga reReserve Bank of South Africa.

Pataenda pamhepo tanga tisati taziva kuti vasungwa ava vari kupomerwa mhosva ipi asi Va Mavimbela vanga vachiti vanhu vakanga vari mundege iyi havana kusungwa asi vari kutaurirana nemapurisa emuno.

Va Mavimbela, avo vati vanga vari panhandare yendege yeHarare International Airport nemapurisa pamwe nevashandi vebazi remuno rinowona nezvinoitika kunze kwenyika vachifambisa nyaya iyi, varamba kutaura zvakawanda vachiti hurumende yemuno ndiyo achazotaura zvakawanda nezvenyaya iyi.

Zvichakadai, mashoko atiri kutambira anoti vamiriri veAmerica, Germany, South Africa pamwe nePakistani vashevedzwa kumusangano wechimbichimbi negurukota rinowona nezvinoitika kunze kwenyika, Va Simbarashe Mumbengegwi, kuti vazeye nyaya iyi. Va Mumbengegwi varamba kutaura nezvenyaya iyi vachiti vachiri mumusangano.

Mune imwe nyaya, pane varume vatatu vamiswa pamberi pedare ramjasitiriti mu Harare nhasi vachipomerwa mhosva yekubira Bellarmine Chatunga Mugabe, anove mwana wemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, nharembozha yake yemhanndo ye iPhone6 inokosha madhora chiuru nemazana mashanu.

Vatatu ava avo vanoti Victor Josam, Tendai Makambaire naKelvin Mwandayi, vamiswa pamberi pedare vachipomherwa mhosva yekuba vakabhadhariswa zana remadhora pamunhu wega-wega nemutongi wedare, Va Vakai Chikwekwe, kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

XS
SM
MD
LG