Accessibility links

Breaking News

Dare reMakurukota Rotenderana Kuvhara Makambani Asiri Kutevedzera Mutemo weKuendesa Hupfumi Kuvatema.


Dare remakurukota ehurumende ratora danho rekuti makambani ekunze ese asiri kutevedzera chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema avharwe kana asina kutevedzera mutemo panosvika musi wa1 Kubvumbi.

Danho ratorwa nemakurukota ehurumende iri raziviswa negurukota rinowona nezvevechidiki pamwe nezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaPatrick Zhuwao, pamusangano wavaita nhasi nevatori venhau.

VaZhuwao vati izvi zvichaita mutemo wekuendesa hupfumi kuvatema utevedzerwe zvizere.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi avo vaimbova chipangamazano munyaya dzezvehupfumi hwenyika mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vaudza Studio 7 kuti danho ratorwa nehurumende iri richaita kuti hupfumi hwenyika hurambe huchiwira pasi sezvo vatema vazhinji vemuZimbabwe vasina mari yekuita mabhizimusi.

VaManyanya vati kana makamabani aya akavharwa, zvichaita kuti vanhu vazhinji varasikirwe nemabasa uye vatiwo pachazenge pasina kana mumwechete zvake wekunze achazoda kusima mari yake munyika.

Asi Va Zhuwao vati Zimbabwe haina basa nemari dzinobva kunze vachiti nyika ino ine mari yakakwana.

Danho ratorwa nehurumende iri rinouyawo apo hurumende yakamaanikidza makambani ese aichera mangoda ekwa Chiyadzwa kuti amire kuchera mangoda aya mushure mekukanzura marezenesi awo zvakaita kuti zviuru zvevanhu zvisare zvisina mabasa. Hurumende inoti makambani aya haana change achibatsira nyika nenyaya yehuori.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nevesangano reConfederation of Zimbabwe Industries pamwe neveZimbabwe National Chamber of Commerce kuti tinzwe mawonero avo panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG