Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanoti Havasi Kuzosiya Chigaro Vachishorawo Kunetsana Mubato Ravo


VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemusi weChitatu vakati havasi kuzosiya masimba kunyange zvodii.

VaMugabe vakataura mashoko aya pamberi pevatsigiri vavo avo vakaratidzira muHarare vachiti vari kuratidza rutsigiro rwakasimba kumutungamiri webato ravo.

Vachitaura pagungano iri, VaMugabe vakati havasi kuzobva pachigaro kunyange hazvo mapato anopikisa nevamwe vekunze vachiti havasi kufadzwa nehutongo hwavo.

Vakaenderera mberi vachishora kusawirirana kuri muZanu PF vachiti vari kuita zvezvipoka-zvipoka vanhu vari kuronga zvekupidigura hurumende.

MuZanu-PF munonzi mune zvipoka zviviri zvirikurwira kuda kutora matomu kubva kunaVaMugabe kana vachinge vabva pachigaro.

Chimwe chezvipoka ichi, icho chiri kuzvidaidza kuti Generation 40 kana kuti G40, chinonzi chiri kutungamirwa nemudzimai waivo VaMugabe, Amai Grace Mugabe, avo vaudza chita chevanhu varatidzira ava kuti VaMugabe hapana anokwanisa kuvatsiva.

Vatsigiri veZanu-PF
Vatsigiri veZanu-PF

​Chimwe chipoka chechipiri, icho chiri kuzvidaidza kuti Team Lacoste, chinonzi chiri kutungamirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mngangagwa.

Vaviri ava vanoramba havo kuti vane zvikwata zvavanotungamira. Munyori muboka revechidiki reZanu PF, VaKudzai Chipanga, vakaudza VaMugabe kuti havasi kufara nemashandiro ari kuita mamwe makurukota ehurumende avati ari kuswera achidya mari dzehurumende pazvinhu zvisina maturo uye kutenga motokari dzinodhura vechidiki vasina mabasa.

VaChipanga vakakumbirawo VaMugabe kuti vechidiki vawaniswe minda pamwe nedzimba izvo zvazovimbiswa naVaMugabe. Panyaya yemabasa, VaMugabe vakati vechidiki vanofanira kuzvigadzirira mabasa vega kunyange hazvo ivo VaMugabe vakavimbisa mbune pavaitsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo dzemuna 2013 kuti hurumende yavo ichaita kuti munyika muumbwe mabasa anosvika mamiriyoni maviri.

VaMugabe vakakurudzirawo kuti vari kugovera chikafu munzvimbo dzisina zvokudya munyika yose vasapinze zvematongerwo enyika mukati vachiti nzara hainei nekuti munhu anotsigira bato.

Zanu PF
Zanu PF

Mashoko aVaMugabe aya anouya apo MDCT ichiti nhengo dzayo dziri kunyimwa chikafu.

Zvichakadaro, nhengo dzeZanu PF dzanga dzichifora idzi dzati kuuya kwaita vanhu nehuwandu hwavo kunoratidza pachena kuti VaMugabe vachine rutsigiro rwakakura kwazvo.

Mumwe wevanhu ava ndiVaKindness Paradza, avo vanove nhengo yeparamende inomirira Makonde.

Izvi zvatsinhirwawo nemumwe muratidziri ati anonzi VaGodfrey Chimwanda vanobva mudunu reMashonaland East. Vakaratidziri ava vanonzi vakarovawo vanhu mudhorobha vaifungidzirwa kuti inhengo dzemapato anopikisa.

Mabhizimusi akawanda anonzi akavhariswa uye vechidiki vakawanda vanga vachionekwa vachinwa nekuputa zvinodhaka mapurisa achingovasiya vakadaro.

Dzimwe motokari dzemapurisa dzakaonekwawo dzichitakura vanhu vanga vachiuya kuzoratidzira ava uye zvinonzi mabhazi nemotokari dzakawanda dzakatuta vanhu kubva kunzvimbo dzakasiyana-siyana dzanga dzichiramba kubhadhara mitero yekushandisa migwagwa kana kuti ma toll fees.

Kunyange hazvo boka revechidiki mubato riri kutonga, reZanu PF Youth League ranga rakatarisira vanhu vanosvika miriyoni imwe chete. Asi vanhu vakaratidzira ava vanga vachisvika zviuru zana chete.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG