Veruzhinji vanoti havasi kufara nemashandiro ari kuita mapato ose anopikisa munyika pakatariswa kuoma kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika.
Gweta guru renyika, Va Johannes Tomana, avo vakasungwa neMuvhuro manheru, vabvisiswa chiuru chemadhora semari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, svondo rino vakakatyamadza mapato anopikisa pavakati vese vachauya kuzoongorora sangano sarudzo vanhu vanobva kumasangano anofarirwa nehurumende yaVa Robert Mugabe.
Mutungamiri webato rePeople’s Democratic Party, Va Tendai Biti, vanoti hurumende yeZanu PF inogona kubviswa chete kana mapato anopikisa akabatana kuitira kuti atorere bato riri kutonga masimba.
Chikumbiro ichi chakasvitswa nemumwe musungwa, Obediah Makoni, uyo akatongwera kugera mujeri kwehupenyu hwese mushure mekubatwa nemhosva yekuponda muna 1995.
Dare reConstitutional Court ratura mutongo uyu zvichitevera nyaya yakakwidzwa kudare naVa Tendai Biti, avo vakakwidzwa nyaya iyi kudare vachiti kuroora kana kuroodza mwana asati asvitsa makore gumi enmasere kwaityora kodzero dzevana.
Kutongwa kwemutori wenhau anoshanda akazvimirira nedzimwe nhengo mbiri dzinorwira kodzero dzevanhu, avo vari kupomerwa mhosva yekutora mifananidzo panzvimbo yakachengetedzwa, kwatanga mu Harare neChipiri.
Vamwe vevakarwa hondo yerusunguko vanoti vari kusiiwa muzvirongwa zvakawanda zviri kuitwa nehurumende nepamusana pekuti vanotsigira mapato ezvematongerwo enyika anopikisana ne Zanu PF.
Sangano reEnvironmental Management Agency, EMA, riri kukurudzira kuti paumbwe mutemo unorambidza kushandiswa kwemapepa anoisirwa chikafu kana kuti ma kaylites senzira yekuedza kuchenesa guta re Harare.
Nhengo dze MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai dzinonzi dzapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ramejasitiriti kwa Rusape zvichitevera kusungwa kwadzakaitwa svondo rapera.
Vanga vakafanobata chigaro chemutungamiri webato iri, Va Elton Mangoma, vaudza Studio 7 kuti pane vanhu vana vasarudzwa vasina kukwikwidzwa vanosanganisira ivo Va Mangoma pachavo.
Mutauriri we MDCT mudunhu reManicaland, Va Trevor Saruwaka, vaudza Studio 7 kuti vanowona nezvekurongwa kwemisangano ku Makoni Central mubato ravo, Va Tazviona Marima, vakarohwa zvakaipisisa nemukuru wemapurisa wemaRusape neChitatu achibatsirana nemamwe mapurisa asina kudomwa mazita awo.
Mutungamiri weProgressive Democratic Party, Va Tendai Biti, pamwe nemutungamiri werimwe boka reMDC, Va Welshman Ncube, vakabuda pachena kuti havadi kuti mutungamiri weMDC, Va Morgan Tsvangirai, vatungamirire mubatanidzwa wemapato nemasangano.
Varimi vatsva vakapihwa minda munharaunda yeMazowe mudunhu reMashonaland Central vakati vane dambudziko rekushayiwa mari yekushandisa mukurima zvinozoita kuti hupfumi hwenyika husimukire
Vanoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC-T VaAbednico Bhebhe vati bato ravo rarasikirwa negamba
Dare Rinoti Chikamu 121 cheCriminal Procedure and Evidence Act Hachisi paMutemo
Hurongwa hwehurumende hwekuda kudzika mutemo uchakonzera kuti vaputi vefodya vasabvumirwe kuputira paruzhinji hwakonzera mutauro kubva kune veruzhinji munyika.
Vanotengesera mumigwagwa mudhorobha reHarare vanoti havasi kufara nekubhadhariswa mari yechiwokomuhomwe kwavanoti vari kuitwa nemapurisa ekanzuru kuti vakwanise kutengesa zvinhu zvavo mumigwagwa
MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai yanyorera tsamba mutauriri weparamende VaJacob Mudenda ichi gunun’una nemabatirwo ayinoti akaitwa nyaya yekutyisidzirwa nerufu kwakaitwa kunhengo dzayo pakuvhurwa kweparamende nemutngamiri wenyika VaRobert Mugabe neChipiri.
Bhanga re African Development Bank kana AfDB nemusi weChipiri rakakanzura chikwereti chine Zimbabwe panguva iyo Zimbabwe iri kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo kumasangano anokweretesa mari.
Rodhai zvimwe