Vakadzere vati vafara zvikuru nemutongo uyu, vachiti hapana munhu acharamba ari mujchitokisi kana matare achinge atura kuti munhu uyu abvumidzwe kubhadhara mari yechibatiso.
Mutevedzeri wasachigaro weMDC T uye vari mumwe wevanhu vakambogara mutirongo kakati wandeyi vachishandisirwa mutemo weSection 121 uyu, VaMorgan Komichi, vati sebato vafarawo zvikuru nemutongo uyu vachiti nhengo dzebato ravo zhinji dzakashungurudzwa zvakanyanya nehurumende dzichishandisirwa mutemo mumwechetewo.
VaKomichi vakurudzira vatongi vematare kuti varambe vachitura mitongo ino chengetedza kodzero dzevanhu dziri mubumbiro remitemo yenyika vachiti hurumende yaVaRobert Mugabe pamwe nebato ravo reZanu PF vakazvipira kuramba vachitsikirira kodzero dzevanhu zvisineyi nekuti pave nebumbiro idzva remitemo yenyika ravanoti rinokoshesa kodzero idzi.
Mutemo uyu wakashandisirwa nhengo dzeMDC dzakawanda pamwe nevemasangano anorwira kodzero dzevanhu kuti varambe vari muhusungwa.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Vapedzisai Ruhanya vati mutongo waturwa nedare uchaita kuti vezvematongerwo enyika vasapindire munyaya dzekutongwa kwedzimhosva mumatare.
VaKaMurendo nevamwe vavo vakakwidza nyaya iyi kudare reConstitutional Court vachiti chikamu ichi chaityora kodzero dzavo dzerusununguko.
Izvi zvinotevera kusungwa kwavakaitwa vakagariswa mujeri nevachuchisi pamhosva yavaipomerwa yekubvarura pamahosi eZanu PF kuChitungwiza mapepa aive nemifananaidzo yaVaMugabe pamwe nemushakabvu VaSolomon Mujuru, avo vaimbova mukuru wemauto.
VaKamurendo nevamwe vavo vakazowanikwa vasina mhosva nematare panyaya iyi.
Gweta rakatanga kukwikwidza nyaya kumatare VaMarufu Mandevere, avo vave kuita zvidzidzo zvepamusoro paAmerican University muWashington, D.C. vatiwo havana kushamiswa nemutongo uyu, asi kuti vaitozoshamisika dai vatongi vanga varamba kuurasa.
“Dare guru renyika Constitutional Court raona izvo kuti Section 121 ine kahudzvanyiriri kari mairi,” vadaro VaMandevere.