Accessibility links

Breaking News

VaBiti Vopikisa Mutemo Unogarisa Musungwa Mujeri Kudzamara Afa


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Chikumbiro ichi chakasvitswa nemumwe musungwa, Obediah Makoni, uyo akatongwera kugera mujeri kwehupenyu hwese mushure mekubatwa nemhosva yekuponda muna 1995.

Dare repamusoro-soro reConstitutional Court ranzwa neChitatu chikumbiro chekuti kutongera munhu kugara mujeri kwehupenyu hwese kunofanira kubviswa mumagwaro emitemo yenyika sezvo kutyora kodzero dzemunhu ane achipika.

Chikumbiro ichi chakasvitswa nemumwe musungwa, Obediah Makoni.

Makoni akatongwera kugera mujeri kwehupenyu hwese mushure mekubatwa nemhosva yekuponda muna 1995.

Vachisvitsa chikumbiro ichi mudare iri, gweta ra Makoni, Va Tendai Biti, vati kutongera munhu kugara mujeri hupenyu hwake hwese kunotyora bumbiro idzva remitemo yenyika pamwe nechisungo chesangano renyika dzepasi rose reUnited Nations icho chinoti hapana munhu anofanirwa kutochwa kana kusabatwa zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Biti vati kutongera munhu kugara mujeri kwehupenyu hwese kushungurudza munhu uye vati kuita izvi kuri kunze kwemurawu.

Vaenderera mberi vachiti murawu wemuZimbabwe haupe mukana kumunhu atongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwese wekuti nyaya yake inge ichiongororwa mushure mechinguva kana kuti parole vachiti Zimbabwe inofanira kutevedzera zvinoitwa kune dzimwe nyika zvekuti munhu anogona kuti nyaya yake iongororwe kwapera makore gumi nemashanu ari mujeri zvinogona kuti aburitswe.

Asi gweta rehurumende, Va Mike Chimombe, vapikisa chikumbiro ichi vachiti murawu wekutongera munhu kugara mujeri kwehupenyu hwese wakanaka zvikuru.

Va Chimombe vati pane vanhu vakawanda munyika vakatongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwavo hwese asi vakazobuda mushure mekunzwira tsitsi nemuttungamiri wenyika, kana kuti presidential pardon.

Asi Va Biti, avo vanova zvakare mutungamiri webato rePeople's Democratic Party, varamba mashoko aVa Chimombe vachiti VaChimombe vadure chero munhu mumwe chete zvake akanga atongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwake hwese akazobuditswa mushure mekunzwirwa tsitsi nemutungamiri wenyika.

Asi VaChimombe vatadza kudoma kana munhu mumwe chete zvake.

Va Biti vati bumbiro idzva remitemo yenyika rakatara kupatsanurwa kwemasimba emutungamiri wenyika neevatongi vematare saka nokudaro vati panofanirwa kutarwa nguva yekuti matare ange achiiongorora nyaya dzevanhu vanenge vatongerwa kugara mujeri kwenguva refu kana nguva inenge yatarwa iyi yakwana.

Vati mutungamiri wenyika haafanirwe kusiiwa achiita madiro aJojina nekodzero dzevanhu.

Muchikumbiro ichi, Va Biti vati VaMakoni vanofanirwawo kuburitswa mujeri izvozvi sezvo kodzero dzavo dzekugara vakasununguka dzakatyorwa nekugariswa mujeri kwenguva yakareba uye vati majeri acho haana kukodzera kuti agare vanhu.

Mutungamiri wevatongi kana kuti Chief Justice, Va Godfrey Chidyausiku, vati ivo dare ravo revatongi ve Constitutional Court vachatura mutongo wavo panyaya iyi muzuva ravasina kutara.

Pane vanhu vakawanda vakatongerwa kugara mujeri kwenguva yakareba, kana hupenyu hwavo hwese mushure mekubatwa nemhosva dzakasiyana-siyana kunyange hazvo Studio7 isina huwandu hwevanhu ava.

Masvondo maviri apfuura, VaBiti vakakwidza zvakare mudare iri, nyaya yevarume gumi nevashanu vakatongerwa rufu, vamwe vavo vava nemakore gumi nemasere vakamirira kuurayiwa, vachiti mitongo yavo ngaichinjwe kuitira kuti vapike mujeri kwehupenyu hwavo hwese.

XS
SM
MD
LG