MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai yanyorera tsamba mutauriri weparamende VaJacob Mudenda ichi gunun’una nemabatirwo ayinoti akaitwa nyaya yekutyisidzirwa nerufu kwakaitwa kunhengo dzayo pakuvhurwa kweparamende nemutngamiri wenyika VaRobert Mugabe neChipiri.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vaudza vatori venhau kuti bato ravo harisi kufara nekutyisidzirwa nerufu kwakaitwa nhengo dzebato dzavo pakuvhurwa zviri pamutemo kwakaitwa chikamu chechitatu cheparamende yechisere kwakaitwa nemutungamiri wenyika VaMugabe.
VaMugabe vakaverengawo mashoko asiri avaitarisirwa kuverenga, asi avakamboverenga masvondo matatu adarika pavaitaura nemamiriro akaita zvinhu munyika, kana kuti State of The Nation Address.
Nhengo dzeMDC T nomwe dzinonzi dzakawana mashoko ekudzityisidzira nerufu kubva kunhamba isiri kuzivikanwa kuti ndeyani, uye mashoko aya aiti nhengo idzi dzaizopinda muna taisireva kana dai dzakasveveredza VaMugabe zvakare sezvadzakaita pakaitwa State of The Nation Address.
VaGutu vati bato ravo ranyorera VaMudenda richi ratidza kusafara nemabatiro avakaita nyaya iyi pavakati nhengo dzeparamende dzeMDC T idzi dziende kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
VaGutu vati nhengo dzeparamende dzakatambira mashoko ekutyisidzirwa aya dzavakugara dzichityira hupenyu hwadzo nokudaro vati VaMudenda vanofanira kutora matanho akasimba semutauriri weparamende.
Zvichakadai, anotungamira chikwata chenhengo dzeMDC T dziri muparamende kana kuti chief whip, VaInnocent Gonese, vakumbira muparamende kuti pawumbwe komiti yeparamende inoferefeta nyaya iyi.
Asi VaMudenda vati nyaya iyi izeyiwe nekomiti yeparamende yeStanding Orders and Rules Committee, nyangwe zvazvo neChipiri vakanga vati nhengo dzeparamende dzakatyisidzirwa dziende kunomhan’ara kumapurisa.
Asi mutauriri wemapurisa Amai Charity Charamba vati semapurisa havasati vatambira nyaya iyi.
Mumwe mugari wemuHarare, VaThomas Madhuku vati kugara muZimbabwe kwave kutyisa kana nhengo dzeparamende dzichityisidzirwa kudai.
Zvichakadai, nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda vakazvimirira, VaMalvern Mkudu, vati kutyisidzirwa kwakaitwa nhengo dzeparamende idzi kunoratidza kuti hurumende haisi kukoshesa zvido zveveruzhinji.
Nhengo dzeMDC T dzakasveveredza VaMugabe masvondo matatu apfuura mushure mekunge VaMugabe vaudza paramende kuti hupfumi hwenyika huri kusimukira kunyanghwe hazvo vakawanda vachiti vari kunonga svosve nemuromo.