Accessibility links

Breaking News

Mumimiriri weNkulumane VaThamsanqa Mahlangu Vanoshaya

VaMhalngu vakave nhengo yeMDC kubva pakaumbwa bato iri muna 1999
VaMhalngu vakave nhengo yeMDC kubva pakaumbwa bato iri muna 1999

Vaimbova mutevedzeri wegurukota rinooona nezvevechidiki uye vari mumiriri weNkulumane muparamende vari nhengo yeMDC T, VaThamsanqa Mahlangu vakashaya neMuvhuro.

Mutauriri weMDCT, VaObert Gutu vakazivisa kushaya kwaVaMahlangu avo vati vanga vachirwara nechirwere chegomarara.

Mashoko abuditswa naVaGutu anoti VaMahlangu vakashayika mambakwedza uye vati bato ravo rarasikirwa zvikuru nemumwe wevanhu vakavamba musangano weMDC muna 1999.

Vanoona nezvekurongwa kwemabasa muMDC-T VaAbednico Bhebhe vati bato ravo rarasikirwa negamba.

Mashoko aVaBhebhe atsinhirwawo nevamwe vaimbova nhengo yeparamende VaFelix Magalela-Mafa.

Vanoona nezvekurongwa kwemisangano mudunhu reHarare muMDCT, VaRhino Mashaya vati kushayika kwaita VaMahlangu kwavarwadza zvikuru vachiti chanyanyovarwadza ndechekuti VaMahlangu vange vasati vapedza rwendo rwavo rwekuti munyika muve nehutongi hwejekerere.

Muzvare Yvonne Musarurwa avo vakashanda naVaMahlangu muboka revechidiki muMDC reYouth Assembly, vati gwanza rasiiwa naVaMahlangu richanetsa kuvhara.

Imwe nhengo yeMDC yakapinda muparamende mushure mekudomwa nebato iri pasi peProportional Representation, Muzvare Susan Mutsunga vati vachasuwa basa ranga richibatwa naVaMahlangu muparamende pamwe nemubato ravo.

VaMahlangu avo vakaberekwa musi wa27 Kubvumbi muna 1971 vakamboita mutungamiri weboka revechidiki mu MDC-T kwemakore mashanu zvichitevera kusarudzwa kwavakaitwa pakongiresi yebato iri kuBulawayo muna 2011.

Vakazodomwa nemutungamiri weMDCT, VaMorgan Tsvangirai kuti vave mutevetedzeri wegurukota rinowona nezvevechidiki muhurumende yamubatanidzwa. Vakazotsiviwa pachinzvimbo ichi naVaTongai Matutu.

Vasiya mudzimai Brenda Zaranyika nevanakomana vaviri vanoti Munyaradzi naZibusiso.

Vanhu vakaungana panhamba 15053 Nkulumane 12 muBulawayo uye hurongwa hwekuradzikwa kwavo hwanga husati hwaziviswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG