Accessibility links

Breaking News

Vanotengesera muMigwagwa yeHarare Vochemachema nekuBhadhariswa Chiokomuhomwe.

Vanotengesera mumigwagwa vachiita basa ravo
Vanotengesera mumigwagwa vachiita basa ravo

Vanotengesera mumigwagwa mudhorobha reHarare vanoti havasi kufara nekubhadhariswa mari yechiwokomuhomwe kwavanoti vari kuitwa nemapurisa ekanzuru kuti vakwanise kutengesa zvinhu zvavo mumigwagwa.

Mumwe wevanhu ava, Amai Lynette Marongwe vati havachatokwanisa kutengesa mumigwagwa kana vasina mari yechiwokomuhomwe.

Izvi zvatsinhirwa naMuzvare Tendekai Mashavira avo vanoti vashandi vekanzuru vave kuzvimba matumbu nekuguta nemari dzechiwokomuhomwe ivo vachidya nhoko dzezvironda.

Sachigaro webhodhi resangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa reNational Vendors Union Zimbabwe, VaStan Zvorwadza vati mapurisa ekanzuru ari kushanda pamwe nevamwe vakuru-vakuru mukanzuru zviri kukonzera kuti mapurisa ekanzuru aya asasungwe kana vachinge vamhan’ara nyaya dzakadai kumapurisa.

Asi mutauriri wekanzuru, VaMichael Chideme vati zviri kutaurwa nevanotengesera mumigwagwa ava hachisi chokwadi, vachiti mapurisa avo anoita basa zvemandorokwati.

VaZvorwadza vati chimwe chiri kunetsa vanotengesera mumigwagwa inyaya yekuti kanzuru haisi kukwanisa kupa nzvimbo dzekutengesera kuvanhu vese vayakanyoresa kuti vatengesere munzvimbo dzakatarwa.

VaZvorwadza vati uku kubirwa kuri pachena vachiti vanotengesera mumigwagwa vari kuramba vachingobhadhariswa mari nekanzuru asi pasina chinobatika chavari kuitirwa nekanzuru yacho.

Asi VaChideme varamba mashoko aya vachiti vanhu vakanyoresa kukanzuru vanofanira kunoshandira kunzvimbo dzavakapihwa nekanzuru.

Kanzuru yeHarare yakabvisa vanhu vakawanda mumigwagwa ichiti vaizadza tsvina pose pose uye vanhu vakanga vasisakwanise kufamba zvakanaka mudhorobha.

Kusvika parizvino, nzvimbo zhinji dzakatarwa nekanzuru kuti vanhu vatengesere hadzina kugadzirwa zvakanaka uye vanotengesa ava vanoti havasi kuzoenda kune dzimwe dzenzvimbo idzi vachiti dziri kure nevatengi uye hadzina kushambidzika.

Zvichakadai, vazhinji vevanotengesa ava vati havasi kuzobvuma kubuda mumigwagwa mavanotengesera vachiti vanoda kuti hurumende itange yavapa mabasa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG